“UCHANDOSHOPERA” naBarbara Makhalisa Nyaya yacho (Enderero mberi):
Pasichigare zvainge zvisiko zvese izvi. Tsika yaiveko ndeyokuti munhurume aida kuroora aitanga aongororwa, harahwa dzichienda kun’anga kunotsvaga zvese zvedzinza remurume wacho kusvikira dzagutsikana nazvo sezvakaitirwa mbuya ava. Vaida kuona kuti mukuwasha uyu ainge ari munhu kwaye here kana kuti kwete.
Zvino iye mwanasikana uyu ndipo paanobvunza kuti amai vake vanozvinetserei.
Mbuya vanokohomedzesa kuti achiona amai vake havana kungoita zvekuongororwa, vakuru vavo vakatanga vaongorora mukuwasha vakagutsikana. Naizvozvo iyewo achaenda kunoshopera murume wake, kana achimuda achabvuma kuti vatange vanoonesana kun’anga.
Zvinoerera muropa remurume wake, anozviziva here. Ngavaenda vanoshopera vese vagopinda mune ichi chisungo cheupenyu vachinyatsoziva zvavari kana murume akasabvuma kuita izvi, ngaamuchenjerere.
ONGORORO:
Tinoona kukakavadzana pakati pemazera ezvino neakare (generation gap conflicts).
Mwanasikana uyo anomirira venguva ino anokakavadzana naamai vake avo vanomirira vanhu vechinyakare nenyaya yekuti iye akazvisarudzira murume waanoda, nechekuno vabereki vari kuti ngaaende kunoshopera maererano nemurume izvo anoti vanozvinetserei nazvo.
Tinoona kuti pakamuka kusawirirana kukuru nekushatirwa chaizvo sezvo tinonzwa mbuya vachiti.
(i). “Ndanga ndakateerera uchikandira amai vako makobvu” (119).
(ii). “Ndakunzwa uchivhaira” (119)
“Watendeuka ndikakuona uchirovera gonhi nzeve dzangu dzikavhara” (119).
Mukuyambira kunenge kuchiita mbuya tinoona pachishandiswa kudimikira neenzaniso. Ambuya vanotanga vachiti mazwi ataurwa nemwanasikana uyu ainge ari magaramoyo apo vanoti, Ndakunzwa uchikandira amai vako makobvu” (119). Vanoda kuti muzukuru wavo anyatsoteerera saka vachiti kwaari “. . . bvisa zvimiti munzeve uterere” (120).
Ngaazive zvokutaura kuna amai vake saka vachimuti, “kasvava kavakarera kangavarutsira zvakaora?” (120). Amai vake mbuya vanokungura kuti dai vakambomurega achipinda mumatambudziko izvo vanoti dai vambomuregera “utsike mumazimbe emoto akati piriviri” (120) agonzwa kutapira” kwavo.
Vabereki vanoda kuziva kuti kwaari kunoroorwa kwacho hakuna munhu anoba here kana kuti “ane ruoko” uyewo vanoda kuziva kuti kunogarwa zvakanaka here kana kuti “Mutuvi wemukaka unoraswa here” (120). Sekuru vake vainge vakapika kuti havatore zvekunze zvakaipa vachizvipinza mumba mavo kana kuti, “huni yemuti usingazivikanwe haiveswe mumba” (120).
Enzaniso dzashandiswa ndizvowo, tosangana neyekutanga inotiratidza kuvhaira kwaaiitwa nemusikana uyu uku kunonzi “sehari iri pamoto” (119). Upenyu unongoramba huchitenderera nekushanduka sezvo “hwakafanana nevhiri” (120).
Vabereki vake kuroorana kwavakaita kwaisangove chindoendawo asi kuti kwaitanga kwamboitwa ongororo yakadzama.
Achiona amai vake kudai havana kungoroorwawo zvekungoroorwa zviya kana kuti “semunhu ari kudonhera mudziva” (121) asi kuti kwainge kwambotanga kwaitwa ongororo yakadzama.




