Muporofita akasungwa

MUPOROFITA uye wekuEpworth ari kunzi anochengeta mazinyoka muhari dziri mumba yaanoshandira akasungwa svondo rapera achipomerwa mhosva yekubhinya mumwe mukadzi waanonzi aishandira. Nyaya yemuporifta Eric Mupfumbati (42), uyo anozivikanwa saMadzibaba Chipikiri, yakabuda muKwayedza svondo rapera achinzi akashandisa nyoka mbiri kutyisidzira mukadzi waakabhinya.

Svondo rapera, mukadzi uyu, uyo ane makore 36 okuberekwa achigara kuEast View, kuRuwa, takamupa zita rekuti Gladys kuitira kuti timuchengetedze semunhu ari kuti akabhinywa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi vanoti Mupfumbati akazosungwa svondo rapera nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi uye aitarisirwa kupinda mudare redzimhosva. “Nyaya yakadaro tinayo, muporofita uyu akasungwa nenyaya yaari kupomerwa iyi uye anotarisirwa kupinda mudare.

“Mudzimai uyu ane makore 36 anova mumhan’ari munyaya iyi, anonzi akaenda kumba kwemuporofita uyu achida kubatsirwa uko akasvikonzi akumure mbatya dzose vari vaviri mumba. Madzibaba Chipikiri anonzi aiti aida kubvisa zvinhu zvaitambudza mudzimai uyu nechekumashure kwake apo akamuti akotame asina kupfeka kudaro ndokumubata chibharo,” vanodaro Chief Supt Nyathi. Vanoti muporofita uyu anonzi akazoratidza mudzimai uyu nyoka mbiri dzakabuda muhari idzo akamuvhundutsira nadzo kuti akangowana waaitaurira chete dzaizomuruma. Madzibaba Chipikiri vakazosungwa nemapurisa edu ekuMabvuku mushure mekunge nyaya iyi yaburitswa pachirongwa chepaStar FM cheTilda Show,” vanodaro. Chief Supt Nyathi vanoyambira veruzhinji, zvikuru madzimai kuti vasabvume zvose zvose zvinotaurwa nemaporofita nekuti vanogona kupinzwa mumatambudziko.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×