A-LEVEL — UGO HWEMADZINZA: Kudetemba kuvadzimu

Munyaradzi Gunduza

  1. Tsanangura zvidavado zvinowanikwa munhetembo dzemhiramidzimu. [25]

Tinopfuurira mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyo watakatanga svondo radarika.

Hokamuteereri sepanonzi, “E, vasekuru,” mudetembo Kutura chimutsa’mvi uye panonzi, “E! VaMasvesve!” mudetembo, Kupira pfuma yeroora kujekesa kuzivisa midzimu kuti muroora agamushirwe mumusha uyewo kuzivisa tateguru wavo, VaMasvesve nezvepfuma yeroora iri kubuda mudanga nokuti mwanakomana ava kunoroora.

Nyaudzosingwi sepanonzi, “Zvaita seiko kuramba mangoti ziro ziro,” mudetembo, Kutuka midzimu kujekesa kushushikana kwanyanduri nekuregerera zvirwere zvichiwira mhuri kwemidzimu yakatarisa asi basa rayo riri rokudzivirira mhepo kumhuri.

Nhevedzano yemibvunzonhando sepanonzi,

“Chisakiso chacho chinobva pai patisingaoni?

Igwangwadzai rinopindwa naro ramusingadziviri?” Uku kusimbisa kushushikana kwanyanduri nokuregerera mhepo ichirwarisa mhuri kwavadzimu vake.

Kuombera nekuridza mhururu kwavanhu kupira kwapera sepanonzi, “Varume vachiombera, vakadzi vachipururudza” mudetembo, Kutura chimutsa’mvi uye pamwe panonzi, “Achibva aombera” mudetembo, Kutuka midzimu kujekesa kutenda nokuzvininipisa kumidzimu uye kuva nechivimbo chekuti midzimu inobatsira vapenyu.

Hochekoche yekumagumo kwemitsara yakateverana sepanonzi,

“Vene vamatenga ndimi,

Varidzi vemhuri ndimi,

Nhakuramatenga ndimi” kusimbisa kuti vadzimu ndivo vanochengeta mhuri dzavo.

Cherechedzo: Zvizhinji zvinhu zvaunogona kunyurura munhetembo dzekupira midzimu pamwe chete nezvadzinotaura nezvazvo.

Apa mapihwa hwaro hwekuti muve nechiedza chekuti zvimwe zvacho zvinoonekwa uye kushandiswa sei pakupindura mibvunzo. Zvino chitsvambe chave kwamuri kuti mutsvage zvimwe zvinhu zvinobuda munhetembo idzi.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×