Zvikwata zveRugby Wc zvowedzerwa

MUTAMBO we2019 Rugby World Cup uchave wekupedzisira kuve nezvikwata 20 zvinokwikwidza sezvo vatungamiri verugby vave kufunga kutevedzera zvinoitwa nevenhabvu nekuwedzera zvikwata zvichakwikwidza munguva inotevera.

Zvikwata 20 ndizvo zvagara zvichingokwikwidza mumutambo uyu kubva mugore ra1999 uye zvichizongozadzikisawo nezvimwe zvinongozvamburwa mumakwikwi aya.

Asi Japan yakazoshamisa pasi rose mugore ra2015 nekukunda kwayakaita South Africa 34-32 kuBrighton ndokuhwina mukombe.

Saka World Rugby iri kuedza kuronga kuti iwedzere zvikwata kusvika pa24 zvinenge zvichikwikwidza.  Hurongwa uhu hunogona kutanga mugore ra2023 kuFrance uko kuchaitirwa mutambo uyu.

“Tinogara tichitsvaga nzira dzekuwedzera pane kuderedza saka mubvunzo ndewekuti tichazviita rinhi?” anodaro Brett Gosper chamangwiza weWorld Rugby.

“Nyaya iripo ndeyekuti tirambe tichiedza kutsvaga kuwedzera. Kusimudzira zita remutambo pasi rese, kutsvaga vakotsveri vari kune dzimwe nyika nechinangwa chekuusimudzira. Tinoda kuti zvikwata zvinge zvichikwikwidza zvakasimba zvekuti tinogona kuwedzera zviwande kusvika pa24 zvinorwira mukombe uyu.”

Mashoko ake anotsingirwa naAlan Gilpin anove tournament director wemutambo we2019 World Cup achiti: “Tiri kutarisa chaizvo kuti towedzera sei kwete kudzikisa zvikwata zvichakwikwidza mumutambo uyu. Nyaya iripo ndeyekuwedzera zvimwe zvikwata kuWorld Cup. — SportsMail rugby

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×