Akabaya tebhuru apotsa mudzimai

MURUME wekunzi anochengera zvikuru kuburikidza nekuongorora kuti hapana here munhurume anotaura nemudzimai wake panhare nekuronda mafambiro ake akamiswa mudare nemukadzi uyu.

Simbiso Musadzimura akaendesa Simon Musadzimura kuHarare Civil Court achiti aoneswa pfumvu nekuchengerwa.

“Murume uyu anondituka nekundirova pazere vanhu nepane vana. Kana zvakakwidza anondidzinga pamba kana kundirarisa musipeya nevana.

“Dzimwe dzenguva ndinotozotizira kwasisi vangu,” akadaro Simbiso. Akati Simon anogara achiongorora nharembozha yake achida kuona kuti hapana munhurume waanenge ambofonerana naye here.

“Unogara uchindityisidzira kuti unoda kundiuraya nokuti hauchadida. Wakatora banga uchida kundibaya ukazobaya table. Unoongorora foni yangu ndisina kukupa mvumo pamwe nekunditeverera mafambiro angu. Zvose zvaunoita zvinondishaisa rugare,” akadaro mukadzi uyu.

Simon akati Simbiso aitaura manyepo mudare uye anoda gwaro redziviriro kuti arishandise senzira yekusada kubvunzwa nezvezvikomba zvake.

“Haunyari kunyepa? Handiti iwe ndiwe unogara uchitiza pamba uchienda kuzvikomba zvako kubva zvataigara tose kuSouth Africa? Waitiza uchiuya kuno, hwatova hunhu hwako. Zvikomba zvako zvinonditumira mamaseji mufoni mangu, chero sisi vako vatokutadzawo.

“Wakati hauchada nezvangu chete asi kana tasuwana tosangana sezvo tichiri mukadzi nemurume. Pandakati ngatimbosiyana wave kumhanya kuuya kuno kudare,” akadaro Simon.

Simbiso akabva ati: “Handifungi kuti semunhu agara makore 18 newe ndingapenge kuuya kuzotaura zvinhu zvisiri kuitika. Handiti mukadzi wako wekutanga akakusiya nenyaya iyoyi? Unonditi ndine zvikomba handiti iwe ndiwe unodanana nevasikana vebasa nevamwe vekunze?”

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Simbiso akati kana Simon achida kuramba mukadzi wake anofanirwa kuita zviri pamutemo sezvo vaine muchato.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *