Sekuru vakafa vachipiswa kumakuva (Onai Vhidhiyo munyaya yacho)

Kingstone Mapupu naMalven Mugadzikwa
MURUME harahwa wekwaSeke – uyo aipomerwa kuva muroyi – akapondwa achiita zvekupiswa nemoto, kurohwa nemazishamhu ane minzwa nemabakatwa (zibanga) uye achidzipwa nechikwata chevanhurume vaive pachaunga, vanosanganisira vanakomana vake – zuva rakacheka nyika.

Zviya zvinomboonekwa mumafirimu anotyisa, kana kuti pamifananidzo seyenguva yeXenophobia yakaitika kuSouth Africa, ndizvo zvakafanana nezvakaitika mubhuku raChamunorwa nemusi weMugovera wadarika apo Sekuru Musekiwa Mahungo (89), vakafa vachipiswa nemazhenje emoto nekurohwa – pwere nevanhukadzi vachiona.

Onai vhidhiyo iri pazasi

Kwayedza ndiyo bedzi ine vhidhiyo rinotyisa kuone iro rinoratidza kushungurudzwa kweharahwa iyi isina kupfeka hembe, ichirohwa nemazimhuro emiti, payaifushirwa nehuswa sehunopfiririswa dzimba uho hwakazobatidzwa kuti murume uyu atsve nezvimwe – kwete nemunhu mumwe chete – asi kuti nechikwata chevanhu, vamwe vacho vachitoputa fodya nekupesvedzera.

Chimwe chikwata chevanhukadzi vanoonekwa chakamira vakagumbata mawoko nechekure asi pane vana vadiki vaive chaipo pakaparirwa mhosva iyi.

Murume uyu, uyo akatanga aparadzirwa musha wake, akanopisirwa pamarinda emakuva ehama dzake, nechepadivi peguva rababa vake, muchivanze chemusha.

Verenga zvekare nyaya iyi:

Pairohwa nekushungurudzwa harahwa iyi, zvinonzi vamwe vaitopururudza vachifarira chiitiko ichi, icho chaitungamirirwa nemwanakomana wemuni’nina wemufi achibatsirana nedzimwe hama.

Imwe yenyaya dzehuroyi dzaipomerwa sekuru vekupondwa ava inonzi ndeyekuti vairambira netsvimbo nedende zvainzi ndezvemudzimu mukuru wemusha, Hunguru.

Mushakabvu Sekuru Musekiwa Mahungo panguva yavakashungurudzwa nepavaiiswa huswa hwekuvapisa nechaunga vachinzi muroyi nemusi weMugovera
Mushakabvu Sekuru Musekiwa Mahungo panguva yavakashungurudzwa nepavaiiswa huswa hwekuvapisa nechaunga vachinzi muroyi nemusi weMugovera

Sekuru Musekiwa, avo vaipinda chechi yeJohane Marange, vanonzi vakazofa nekupiswa muviri wose — kusanganisira kunhengo dzakavandika — nekurohwa uku.

David Mahungo (28), uyo anova mwana wemunin’ina wemufi, ndiye ari kupomerwa kuponda achibatsirana nedzimwe hama dzake uye akatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Pakaitika mashura aya, panonzi paiva nemhomho yevanhu vaidarika 40, vaisanganisira vakuru nevana vadiki.

Vanhu ava vaive pamakuva pakapisirwa Sekuru Musekiwa Mahungo
Vanhu ava vaive pamakuva pakapisirwa Sekuru Musekiwa Mahungo

Pakasvika Kwayedza pamusha apa nemusi weMuvhuro svondo rino, zvinhu zvaisiririsa sezvo musha waSekuru Musekiwa wose wakaparadzwa nekupiswa, zvidziro zvedzimba ndokupunzwa kusvika muvhu munyaya yehuroyi iyi.

Mutumbi waSekuru Musekiwa wainge uchiri kumochari yeChitungwiza Central Hospital uko waitarisirwa kuongororwa (post mortem) nemusi weChitatu chino. Parufu painge pasina kana chekudya sezvo chikafu chakaparadzwa nemoto.

Zvinonzi David akabva kuHarare kwaanoshanda achiti ainge akasvikirwa nemudzimu ndokusvika kumusha uko akaunganidza vemhuri yake achitaura kuti aida tsvimbo dzake nedende zvemudzimu wemusha.

David anonzi ainangana nababamukuru vake ava (Sekuru Musekiwa) achiti ndivo vaiva netsvimbo nechidende ichi.

Anonzi kambotanga kuenda kumusha uku masvondo maviri akadarika achibva kuHarare ndokunopisa dzimba nhatu nekudzipwanya dzemufi achibva adzokera kubasa kwake.

Zvakadaro, nemusi weMugovera, 5 Zvita, David anonzi akadzokera kumusha ndokusvikounganidzazve hama dzake, kusanganisira muchakabvu, achiti aiva akasvikirwa uye aida tsvimbo nedende zvesvikiro ravo zvaaiti zvina babamukuru vake, Sekuru Musekiwa.

VaRichard Dzanzwa (73), vanova baba vaDavid, vanotsanangura nezvekupondwa kwemukoma wavo ivo varipo vachiti:

“David akabva kuHarare akasvikirwa ndokutiunganidza svondo rakapera paseri mudzimu waiva paari uchiti ndiwo muridzi wemusha. Aiti ndiye Hunguru, unova mudzimu waisvika pana baba vedu avo vaiva n’anga. Aiti aiva atumwa kuzotora tsvimbo dzake nemudende kuna mukoma vakashaya ava.”

Vanoti pakutanga muchakabvu akamboramba kuenda kwaiva kwakaunganwa nekutya.

“Mukoma vakatiza ndokuenda kumba kwasabhuku, kwaVaTapfumaneyi Chamunorwa. David akazosara achipisa dzimba dzavo nekudzipwanya apo mudhara vakazodzoka usiku vakawana musha waparara,” vanodaro VaDzanzwa.

Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa avo vakatanga kutsvaga David asi akatiza ndokudzokera kuHarare.

David anonzi akapedza masvondo maviri ari kuHarare ndokuzodzokazve neMugovera svondo rapera.

“Adzoka mukomana uyu, akatiunganidza zvakare achiti aida tsvimbo nedende zvake, izvo aiti aishandisa kuchengeta mhuri yake. Aitaura zvimwe chete kuti ndiye Hunguru. Mukoma vakambobvuma kuti vaiziva kwazvaiva ndokuzoramba apo vakazotanga kurohwa nemukomana uyu nevamwe vake kuti vaburitse tsvimbo idzi.”

Harahwa iyi payairohwa kudaro inonzi yakazotaura kuti tsvimbo nedende izvi zvakanga zvatorwa nedzimwe hama dzavo dzekwaMupunzani, asi ichimboti zvinhu izvi zvainge zvakachererwa paguva rababa vavo. Yaimbotiwo zvinhu izvi zviri kusango, uko kwose kwakaendwa nemurume uyu achingorohwa zvichishaikwa.

“Vanhu vakarova mudhara uyu kusvikira afa vachimupisa nemoto vanosanganisira iye David Mahungo nana(mazita evamwe vashanu takapihwa). Vamwewo vaivepo vainge vakamira vachiona, kusanganisira ini. Ndakatotemwa nedombo ndave kuda kurandutsira,” anodaro munin’ina wanyakupondwa uyu.

“Vose vakarova ava (vachidura nemazita) vanoitwa vana nemushakabvu kusiya kwa(zita tinaro). Vakazomutora mudhara ndokuenda naye kumakuva apo ini ndakazobva kuti ndinobvunzira kumapositori kuti chaiva chii uko takanotaurirwa kuti tsvimbo nedende zvaivapo. Takazodzoka mukoma vatofa nekupiswa nekurohwa vari pamakuva edu.

“Asi chandinoziva ndechekuti mumusha medu muno mune ngozi yakasiiwa nemadzitateguru,” vanodaro VaDzanzwa.

VaNoel Chamunorwa (58), vanovazve munin’ ina kumushakabvu, vanoti vakazosvika pamusha apa mukoma wavo atopondwa.

“Nyaya yetsvimbo nedende kutoinzwawo. Zvinoda vakuru nekuti ini handigare kuno,” vanodaro.

Caleb Chakanetsa (35) anoitwa munin’ina naSekuru Musekiwa anotiwo nyaya iyi inorwadza zvikuru.

Mudzimai mukuru wemushakabvu, Mai Esther Murombedzi Mahungo (73), avo vakatsanangudza nyaya iyi vachisvimha misodzi, vanoti David paakasvika aiti ainge akagadzirira mari yekutenga mabhokisi maviri ekuviga murume wavo naivo, achivapomera vose huroyi.

Mai Mahungo vanoti: “Aiti, ‘Ndimi muri kutiuraya. Manje hamundigone, ndini ndava palist naPamella. Zvino rwendo rwuno munofa mose namudhara’.

“Akati baba vaiva nenyoka yainanzva vanhu mumusha nezvikwambo nezvimwe zvakaipa.”

Onai vhidhiyo iri pazasi

Mai Elizabeth Zimbudzana Mahungo (53), vanove mudzimai wechipiri wemufi, vakatsinhirawo vachiti ivowo vainangwa huroyi naDavid nevamwe vemusha uyu.

“Mwana uyu chinangwa chake aida kutipisira mumba tirere, anova mashoko aaitaura,” vanodaro.

Muramu wemushakabvu, Mai Auxillia Ndoro (47), vanoti chiitiko ichi chinoda kuti vemusha uyu vazvifambire nenguva.

Mashoko avo akatsnhirwa naMai Stella Magwaza (50) vanove zvakare mumwe muramu waSekuru Musekiwa.

“Murume uyu (mushakabvu) aidirwa mvura nevamwe, vamwe vachirova, achimbofenda.

“Maporofita ndiwo aparadza musha uno. Vanonzi ndivo vakati endai munomuvhundutsira nemoto kuti ataure,” vanodaro Mai Magwaza.

Pakuzodhindwa bepanhau rino David bedzi ndiye ainzi akange asungwa asi mapurisa vachienderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

Mhuri yakapisirwa musha iyi yave kugara mudzimba dzevaroora uye iri kukumbira rubatsiro kune veruzhinji rwezvekudya, mbatya, magumbeze nezvimwewo sezvo zvavo zvakaparadzwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanotsinhira nezvekupondwa kwaSekuru Musekiwa vachiita zvekupiswa nekurohwa nechikwata cherume vanosanganisira hama dzavo.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa makakava murunyararo pane kuisa mutemo mumawoko mavo.

“Mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya yekupondwa kwemunhu uyu. Pari zvino tasunga mumwe chete wevanhu vakaponda,” vanodaro Chief Supt. Nyathi.

Vanoda kubatsira vanokwanisa kuvaridzira nhare panhamba dzinoti 0778 177 863 kana 0713 323 714.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×