MURUME wemubhuku raMazhindu, kwaShe Nenguwo kuMarondera, anonzi akakundwa neshanje ndokunozviuraira pamba paishanda shamwarikadzi yake mushure mekunge amushaya ndokufunga kuti akange anosasana nechimwe chikomba.
Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika, apo Oscar Mazhindu Gwaze (55), uyo anonzi akange ari tsvimborume, asi achidanana nemukadzi anongozivikanwa saMai Joe, anova waakafira nekuzvisungirira.
Mukadzi uyu aishanda achichengeta pamwe pamusha uri mubhuku raMakahamadze, kwaSadza.
VaTineyi Makahamadze (60) vakatsinhira nyaya yekuzviuraya kwemurume uyu pamba paishanda shamwarikadzi yake.
“Pamba paishanda mukadzi uyu pamba pababa vedu. Takazongoshedzwa kuseni tichinzi pamugwavha pane munhu akazvisungirira.
“Takazotaurira sabhuku vakashevedza mapurisa mutumbi ukatorwa. Iye mukadzi wacho aisavapo pakazvisungirira mumwe wake uyu. Akazodzoka mangwanani acho achisvikoona izvi. Anonzi akanga apedza masvondo maviri asipo,” vanodaro VaTineyi Makahamadze.
Vanoti Oscar nemukadzi uyu vaidanana zvaizivikanwa mumusha uyu.
“Chikomba ichi chinonzi chakauya husiku chichida kuona mumwe wacho apo chaibva kubhawa kwaSadza. Akasvikoshaya mumwe wake, chakamupa pfungwa yekuzviuraya hamheno dzimwe nguva pakanga pava nenyaya yezvimwe zvikomba,” vanodaro.
Mai Joe vanonzi vanobva kuMuzarabani uye vakaenda kwaNenguwo vachitevera mwanasikana wavo nemukuwasha uko vanonzi vakasvikotanga kugara vasati vawana basa pamusha apa.
Mai Veronica Munodawafa (38) vanoti vaviri ava vakatanga kudanana makore maviri akadarika.
“Vanhu ivava vaidanana zvikuru. Chikonzero chekuzvisunga hapana anochiziva. Mugwavha wakazvisungirira murume uyu wakazosara uchitemwa apo mutumbi wake wakatakurwa nemapurisa, huni dzacho dzakapiswa,” vanodaro.
Mushure mekunge izvi zvaitika, mukadzi uyu anonzi akabva aburitswa basa ndokuenda kumwanasikana wake kwaMuzangaza munzvimbo imwe chete iyi uye Kwayedza haina kukwaniswa kumuona payakasvikako.
Zvakadaro, muridzi wepamba paishanda mudzimai uyu, uyo akakumbira kuti zita rake risaburitswe, anoti haanei nenyaya iyi sezvo mukadzi uyu akaendeswa pamusha pake nevehukama.
“Ndakataurirwa nezvenyaya iyi, kuti kune murume azviuraira pamba pangu. Ndakati kumapurisa itai basa renyu nekuti hazvinei neni.
“Mukadzi uyu ndakanzwa kuti pakasvika chikomba ichi akawanikwa asipo aenda kune chimwe chikomba zvakarwadza Oscar wacho. Iye akafunga kuti mukadzi uyu airamba kumuvhurira nyambisirwa akanga asimo, uku kunzwa kwandakaita,” anodaro.
“Zvakaitika hazvinei neni. Handigareko, ndinongoenda ndichidzoka. Zita remukadzi uyu handirizive asi anonzi akatandaniswa kuMuzarabani nehuny’any’a,” anodaro muridzi wemusha uyo anogara muHarare.
Ambuya vaOscar, Mbuya Ronica Mazhindu (101), vanoti havana kugutsikana nemafiro emuzukuru wavo.
“Oscar aisava nehasha nemunhu, takashamiswa kunzwa kuti azvisungirira. Aidanana nemukadzi uyu uye aimbonogarako. Ini ndinoti zvine chekuita nenyaya dzezvikomba,” vanodaro.
Sekuru VaOscar, VaTavengerwei Mazhindu (77), vanotiwo: “Oscar aisona bhutsu achiita mari yake, achidanana nemukadzi uyu vachimbogara vose. Anofanirwa kunge akawanikidza mukadzi uyu aine chikomba akaita shungu nekuti anonzi akadyiwa chaizvo. Ndaingonzwa kuti vaimbonetsana nenyaya yekuti mukadzi uyu aiita zvezvikomba.”
Vanoti musi wakazozvisunga muzukuru wavo aingopopota kubhawa achiti aida mbatya dzake nemari yaakadyiwa nemukadzi.
Vamwe ambuya zvakare vaOscar, Mai Ottillia Mazhindu (75), vanoti panofanirwa kunge paine nyaya dzezvikomba.
“Hatina zvimwe zvatakazonzwa kubva kumapurisa. Asi mukadzi uyu anonzi akanga ava kuda vamwe varume muzukuru wedu ave kurambwa mushure mekudyiwa. Chinonetsa mukadzi uyu akangoti apedza svondo abva kuno, ndipo pakazotevera Oscar kumba kwaaishanda ndokusvikozviuraya. Patakasvika takawana mutumbi waOscar uri pamuti asi zipi yetirauzi rake yakavhurika,” vanodaro.
VaTaurai Mazhindu (45) vanoti: “Muzukuru wangu azofa nekuda kwemadzimai. Aingotora vakadzi achiramba zvisinei kuti haana mwana. Akatora madzimai aisanganisira Agnera, Chihera, Energy naiyeyu azomupa kufa.”
Vanoti Oscar akasiya ataurira vanhu kubhawa kwaainwa doro musi waazofa kuti mukadzi uyu aizochiona nechipoko chake.
Mutumbi waOscar wakavigwa kwanasekuru vake ikoko.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East Inspector Nobert Muzondo vanoti vanoda nguva yekuti vaone kuti nyaya iyi yakafamba sei.




