MAONERO EDU: Kugocha munhu kunge nyama?

SVONDO rino tine nyaya inosiririsa zvikuru. Iyi inyaya yemurume harahwa wekwaSeke, kuMashonaland East, uyo akafa ichiita zvekupiswa nemoto pamwe nekurohwa mushure mekunge anangwa huroyi.

Sekubuda kwenyaya iyi, harahwa iyi inonzi yakapondwa nevanakomana vayo vachibatsirana nevamwe vemumusha. Izvi zvakaitwa vagari vemubhuku iri vakatarisa uye hapana akakwanisa kununura sekuru ava.

Murume uyu asati apondwa, anonzi akatanga apisirwa nekuparadzirwa musha wake nevanhu vekuzomuponda ava.

Chinoshamisa ndechekuti pakapiswa harahwa iyi kusvikira yafa, zvinonzi paive nevamwe vanhu vanosvika 40, vamwe vacho vaipesvedzera nemheterwa nekupururudza. Tinoshaya mashoko ekunyatsotsanangura hutsinye hwakaitwa nevanonzi vakaponda musharukwa uyu.

Chokwadi ungatore machisi, wobatidza huswa kupisa munhu ari mupenyu uye zuva rakacheka nyika?

Kana ivo vanhu vacho vanonzi vaivepo, pakashaya here kana mumwe chete akaita chivindi chekuti adzivise hutsinye hwakakomba kudai?

Munhu angawane simba rekupururudza apo mumwe anenge achiyuwira nekurohwa pamwe nekupiswa nemoto?

Harahwa yekupiswa iyi inonzi yairambira netsvimbo nechidende izvo zvainzi ndezvemudzimu mukuru wemumusha memhuri iyi.

Sekubuda kwenyaya iyi, zvinonzi pane kwakafambwa nevemumhuri iyi uko vakaudzwa nemapositori kuti zvainetsa mumusha mavo zvingagadziriswe sei.

Zvinonzi mapositori aya ndiwo akapa vamwe vemhuri iyi mazano ekuti vapise murume uyu senzira yekumutyisidzira kuti abvume nyaya yaaipomerwa yekuti muroyi. Zvakaitwa nevanhu vakaponda murume uyu ndiko kunonzi kutora mutemo vachiisa mumawoko avo.

Nyika ino ine mitemo inofanirwa kutevedzwa nemunhu wose nekudaro vanotyora mitemo iyi vanofanirwa kurangwa zvakakodzera.

Kwayedza ine vhidhiyo inorwadza kuona, inoraridza kushungurudzwa kwakaitwa harahwa iyi apo yairohwa neshamu dzine minzwa kusvikira payakapiswa nemoto wehuswa nehuni.

Paiitwa hutsinye uhu pane vana vadiki vane chitsama vaivepo vachiona. Ndechipi chidzidzo chavanowana pakadai?

Tine chivimbo chekuti mapurisa vachasunga vose vakabatsira mukupondwa kwemurume uyu, zvose nemaporofita akavatuma kuita izvi.

Harahwa iyi yakafa rufu rwunorwadza zvikuru.

Tinoti veruzhinji ngavasangotenda zvose zvavanoudzwa nemapositori pamwe nen’anga nekuti vazhinji vavo ndevenhema vari kungotsvaga nzira dzekurozva vanhu upfumi hwavo nekusiya vapesanisa mhuri.

Zvakakosha kuziva kuti kana vanhu vakaita humhondi uhu vakange vabatwa, vachamira voga mumatare edzimhosva uye mapositori akavafurira aya anenge asipo, ndokunge vakasasungwa.

Veruzhinji ngavakoshese upenyu hwevamwe kwete kugocha munhu kudaro seuri kugocha nyama! Kana iri ngozi iri kukonzera kuti vanhu vemumhuri iyi vaite hutsinye hwakadai, sekutaura kwemumwe wavo, ngavaripeka vasati vapera nechakapedza mbudzi.

Apa mapurisa batai vanhu, kwete mumwe chete!

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×