Akaponderwa musikana

Kingstone Mapupu

VARUME vana vekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vakasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuponda mumwe murume wemumusha mavo apo vairwira musikana.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti Clever Muuduri (18) wemubhuku rekwaZhakata ndiye akafa mubongozozo iri.

Vari kupomerwa kuponda murume uyu ndiLeonard Jambwa (28) wemubhuku raMakuwaza, Jacob Maunde (28) wemaMasaraure, Spencer Dube (21) naAdren Kugara (23) vose vemaZhakata.

“Nemusi wa28 Kukadzi nenguva dza3 masikati, Clever Muuduri nababa vake Nhamo Muuduri (51) vainwa doro rechikokiyana pane mumwe musha apo varume vana vari kupomerwa kuponda ava vainwawo doro pamwe chete navo. Nhamo Muuduri anonzi akazotanga kupopotedzana naLeonard Jambwa achiti aidanana nemusikana wake,” vanodaro Insp Mwanza.

Vaviri ava vanonzi vakatanga kurwa nezvibhakera vachibva vazorandutsirwa nevanhu vaivapo.

“Muzuva rimwe chete iri nenguva dza3:30 masikati, Leonard Jambwa anonzi akabva padoro apa achienda kumba kwake. Clever Muuduri naNhamo Muuduri vanonzi vakamutevera ndokunomuwana ari pamba paSpencer Dube apo vakatanga kurwisana zvakare Leonard Jambwa achibva akurirwa nevaviri ava apo atanga kushevedzera vamwe vake kuti vazomubatsira,” vanodaro Insp Mwanza.

Vamwe vatatu vaitevera vachibva kudoro uku, Maunde, Dube naKugara, vakazomhanya kwairohwa mumwe wavo ndokusvikowana Jambwa achirikitwa.

Kugara anonzi akazonhonga chidimbu chechidhinha ndokurova nacho Nhamo mumusoro kamwe chete achibva akuvara.
“Jacob Maunde anonzi akazorova Clever Muuduri nebhutsu pachipfuva achibva apunzikira pasi. Spencer Dube naAdren Kugara vanonziwo vakaenderera mberi nekurova Clever Muuduri akawira pasi kudaro vachishandisa bhutsu nezvibhakera apo vose varume vana ava vakazobva panzvimbo iyi vaona kuti ainge afenda,” vanodaro Insp Mwanza.

Nenguva dza5 zuva rodoka, zvinonzi mumwe mudzidzisi wepachikoro cheZhakata Primary School ndiye akazotakura Clever nemotokari yake achibatsirwa naNhamo vachida kumuendesa kukiriniki yeKadzere uko vakatadza kusvika motokari yavo yany’ura.

“Nenguva dza7 husiku, mumwewo murume wepanzvimbo yemabhizimisi yeHokodzi akazotakura Clever Muuduri pamwe chete naNhamo Muuduri kunosvika kukiriniki yeKadzere asi vakasvikodarikidzwa kuchipatara cheMurehwa uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Mwanza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaMurehwa varume vana ava vachibva vasungwa nemhosva yavari kupomerwa yekuponda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×