‘Unzai mabhazi evana vechikoro’

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vari kukurudzira kuti panovhurwa zvikoro pange parongwa mabhazi anotakura vana nevarairidzi bedzi kuitira kuti vasazosangana neruzhinji sezvo zvichivaisa panjodzi yeCovid-19.

Vamwe vabereki vanoti zvikoro zvizhinji hazvina mabhazi anotakura vana, asi kuti zvinoita ekuhaya zvinova zvine njodzi sezvo asingazofiritwa nguva nenguva kudzivirira coronavirus iyo inokonzera chirwere cheCovid-19.

Mabhazi ekuhaya aya anokwanisa kusakoshesa kuti vanoakwira vazorwa sanitiser pamwe nekuchengetedza huwandu hunokurudzirwa kuti vana vasazoita chitsokotsoko imomo.

“Ini vana vangu vanoshandisa makombi ayo atinohaya sevabereki nekuti chikoro chavo hachina  mabhazi. Mushure mekunge vana vasiiwa pachikoro, mabhazi iwayo anoswerera kutakura veruzhinji, saka mikana yekutapurira hutachiona kuvana wakakura,”  vanodaro VaTapiwa Mataruse vekuChitungwiza.

Vanoti, zvakakosha kuti vabereki vakurudzire vana vavo kukosha kwehutsanana apo vanenge vachiri kudzimba pamwe nekuvapa masanitiser ekufamba nawo.

“Mabhazi mazhinji kana motokari diki dzinotakura vanhu hadzina masanitizer, nokudaro zvava kuda isu vabereki kuti tipe vana mishonga iyi. Vana vedu ngativadzidzisei kuramba kupinzwa mumabhutu emotokari kana kugariswa mumabhazi vakagarana pamakumbo nekuti izvi zvinoita kuti vatapurirwe Covid-19.

“Ngatiregei kupa Hurumende mutoro wekurwisa chirwere ichi asi kuti isu sevabereki tibatsire kuchidzivirira,” vanowedzera.

Amai Susan Magarizano vekuHatifield, muHarare, vanotiwo vatyairi vemabhazi vanofanira kusungwa kana vawanikwa vakazadza vanhu zvisinei nekuti vana vechikoro here kana kuti vanhu vakuru.

“Hurumende yakapa mvumo yekuti vanhu vachifamba havo vasina matsamba, asi handiwo mapasipoti ekuti veruzhinji vachiregedza kupfeka mamasiki kana kuzadzana mumabhazi nedzimwe nzvimbo.

“Tiri kuona dambudziko riri rezvekufambisa pachavhurwa zvikoro nekuti vanoda kufamba nemabhazi vanenge vawanda. Munguva yapera taiona mavhidhiyo evamwe vana vechikoro vaipinzwa mumabhazi nepamahwindo. Dai paita mabhazi anotakura vana vechikoro nevarairidzi bedzi pane kuti vasangane neruzhinji,” vanodaro.

Zvisinei, Hurumende iri kushingaira mukuona kuti veruzhinji vawana mabhazi anovakwanira ayo anoshanda ari pasi pekambani yeZupco.

Kutanga kwesvondo rino, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakaparurazve mamwe mabhazi 50 matsva eZupco pasi pechirongwa chakananga kurerutsira vanofamba.

Serimwe rematanho ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19, Hurumende haisati yapa mvumo kumakombi akazvimiririra kuti atakure veruzhinji.

VaThomas Sango vekuRuwa vanoti kunze kwechirwere cheCovid-19, pane mikana yakawanda yekumbunyikidzwa kana kubiwa nekubirwa kwevana apo vanoshandisa mabhazi everuzhinji kana motokari dzemishikashika.

“Mushure mekunge Hurumende yanyevenutsa lockdown, tiri kuona vamwe vanhu vachisiyana nekuzvidzivirira sezvinonzi hakusisina Covid-19. Sevabereki, tinoshushikana kuti vana vedu vachafamba sei kuenda nekudzoka kuchikoro vachishandisa mabhazi mamwe chetewo neveruzhinji. Mabhazi akasawanda zvichapa vemakombi anofamba zvisiri pamutemo mikana yekuti vatakure vanhu,” vanodaro.

Kuchiti VaTafadzwa Goliati vanova murongi kusangano rePassangers Association of Zimbabwe vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vawaniswe mabhazi avo.

“Panovhurwa zvikoro vana vanofunda mumadhorobha kana kuti kure nekwavanogara vanoona nhamo huru apo vanopedza nguva refu vari mumitsetse yemabhazi izvo zvinoita kuti varasikirwe nenguva yekudzidza. Nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa,” vanodaro.

Zvichakadai, vabereki vanotenda Hurumende nekuunza mamwe mabhazi 50 eZupco vachiti achabatsira mukurerutsa dambudziko rekufamba.

Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa muzvikamu zviviri apo vana vachanyora bvunzo vachatanga musi wa15 Kurume, vamwe vose vozotevera nemusisi wa22 Kurume.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×