Anofamba ari musvo

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wekuWaterfalls, muHarare, anoti murume wake anoita katsika kekufamba ari musvo mumba mune vana vavo achimutuka zvinyadzi.

Shivvon Mutembedza akamhan’arira Brian Masiiwa kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Tinogara pamba pamwe chete asi ndiri kuda kuti amiswe kusvika pamba apa nekuti anofamba asina kupfeka mumba mune vana,” anodaro.

Mutembedza anoti zvakare Masiiwa anomutuka mashoko asina kunaka pamberi pevana.

“Anondituka zvinyadzi nemamwe mashoko asiriwo pamberi pevana uyezve haakwanise kuvariritira vana vacho,” anodaro. Masiiwa haana kuuya kudare kuti azopawo divi rake.

Mutongi Noel Gwatidzo akapa Mutembedza gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *