Vaipfeka nhembe

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa ongororo yetsika nemagariro evanhu muchinyakare.

Tsika yeparika. Tinonzwa kuti Rufuse akanga aine vakadzi vatatu vaiti; Shayamano, Nyadziso naNdakasemwa. Mambo Njeremavhu vaivewo nemadzimai akawanda anosanganisira Bhavheya.

Munhu akafa achiita zvokuzvisungirira haaitambwa guva.

Tinonzwa panotukwa Nyadziso naNdakasemwa achinzi unhu hwake hwaisazadza mukombe nekuti baba vake vakanga vasina kutambwa guva pamusana pokuti vakaita zvokuzvisungirira pamubvamaropa.

Pasichigare kwaipfekwa nhumbi dzaigadzirwa nematehwe emhuka. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Bhavheya paaifamba nhembe yake yekumashure yaisimuka kunoti pfupikei pane mhapa.

Pasichigare mukanwa maigezwa netutanda twemiti. Tinonzwa Ndakasemwa achiraira manyambiri ake achiti, “Mukanwa munoda kugarocheneswa. Munhu ndewokutora chiguni chomuhacha achikwenga mumuromo kwete zvokutadzisa vanhu kusununguka nokukapirwa nomweya wemukanwa.”

Pasi pemusoro uyu unogonawo kubvunzwa nezvetsika dzaunovenga kana dzaunoona sekuti dzinoda kuramba dzichichengetedzwa. Mumwe anogona kuvenga tsika dzakafanana neidzi; kuzvarira vana, kuuraya manyambiri, barika, nedzimwewo.

Tsika dzingangoda kuchengetedzwa ndeidzi; kuroorana vematongo, kukoshesa midzimu, humambo, nedzimwewo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *