‘Regai kungochema, asi kuti zvishandirei’

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochema-chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumende ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenues, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake…

Mavigirwo matsva evafa neCovid-19

Muchaneta Chimuka BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinotsanangudza nyaya yekufambiswa kwezvitunha uye mavigirwo evanhu vanofa neCovid-19 richiti mitumbi yevanenge vashaya nechirwere ichi bedzi ndiyo ichavigirwa muguta, dhorobha kana kuti kunzvimbo dzavanenge…

Tevedzerai mutemo: Kazembe

Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezvinoitika munyika, Cde Kazembe Kazembe, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa neHurumende mukuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Muchinyorwa chakabva kubazi ravo, Cde Kazembe vanoti nyika…

Kuvigwa kwaTapiwa kwakambomiswa

Kingstone Mapupu MHURI yekwaMakore, kwaMurehwa – iyo ine mwana mukomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuwanikwa usina dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro, mawoko nemakumbo – inoti yambombira kuviga mutumbi uyu zvichitevera…

Vakwegura vakabatsirwa neupfu

Muchaneta Chimuka SANGANO rinorwira kodzero dzevakwegura reShelter and Homage Trust nguva pfupi yadarika rakapa rubatsiro rweupfu kuvanhu vakwegura nevakaremara kuti vawane pekutangira, zvikuru sei munguva ino apo raramo yevazhinji yakavhiringwa…

Hondo yacho ihuru: WHO

Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti hazvisi nyore kurwisa chirwere cheCovid-19 asi kana pakave nekubatana kwenyika dzose, hondo iyi iri inokundika. Vachitaura kuvatori venhau…

Mashandiro ematare mu’lockdown’

Muchaneta Chimuka HOFISI huru yezvemitemo yaChief Justice Luke Malaba – iyo inova kuchikamu cheJudicial Service Commission – inozivisa veruzhinji mafambisirwo achaitwa nyaya kumatare edzimhosva munguva ino apo nyika iri kurwisa…

Hurumende yakagona: N’anga

Muchaneta Chimuka MUTUNGAMIRIRI wesangano rinomiririra varapi vechivanhu nevemachechi, reZimbabwe National Practitioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vari kurumbidza danho rakakatorwa neHurumende rekuti magungano anosanganisira emachechi nemichato zvimbomira kuitwa kwemazuva 30 nechinangwa…

Homwe yevanotambura yakamutsiridzwa

Munyori weKwayedza HURUMENDE yakamutsiridza homwe yemari yekubatsira vanhu vanotambura yeCovid-19 Relief Fund panguva iyo nyika iri kurwisana nekupararira kwechirwere ichi pasi pechirongwa cheLevel Four (lockdown). Matanho akatorwa neHurumende nedonzvo rekuedza…

Covid yovhiringa mabasa efodya

Kingstone Mapupu BASA rekutengeswa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzokorora zvakare gore rino. Dr Andrew Matibiri – avo…

×
×