MUSIKANA anogara kuEpworth, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekuti arapwe ziso rake iro riri kungokura uye rinomurwadza zvikuru.

Faith Mabhena (20), uyo anogara panhamba 530 A Makomo Extention, ane chirwere chinonzi Neurofibromatosis icho chinotevedza mumhuri.
Paziso rake pane chinyama chinokura icho chaanochekwa nguva nenguva kuchipatara.
“Ziso rangu rekuruboshwe ndakazvarwa richingobuda misodzi zvekuti rakazotanga kuvhara nekukura kwandaiita,” anodaro Faith.
“Ndakaenda kumapositori kasingapere ndichingopihwa mvura, mamwe maporofita vaiti inhuta yemuziso asi vamwewo vachiti chitsinga,” anodaro.
Faith anoti akazoenda kuMunene Hospital, kuMberengwa, uko akaudzwa kuti ane chirwere chinozivikanwa nekuti Neurofibromatosis
“Pari zvino ndachekwa kaviri zinyama iri richingoramba richikura. Ndakatanga kuchekwa zinyama iri ndiine makore 9 okuberekwa.
“Ndakamboenda kuParirenyatwa (Group of Hospitals) ndikanovhenekwa. Iye zvino ndakanyora Form 4, ndine nguva yandaitadza kuenda kuchikoro nekuda kweziso iri richirwadza nekubuda misodzi neropa. Ndakadzokorora chikoro kakawanda nekuda kwekutambudzwa neziso iri.”
Faith anoti anorwadziwa zvikuru nemusoro usingapore uye dambudziko rake nderekushaya mari yekuti abatsirwe kuchipatara.
“Ndinofanirwa kunochekwa kechitatu kupera kwemwedzi waNdira chinyama chiri pamusoro peziso iri, iro risisaone. Dambudziko riripo nderekushaikwa kwemari, iye zvino kuri kudiwa makutukutu emari inosvika $500 yekuti ndichekwe kuParirenyatwa,” anodaro.
“Vamwe vanondiona vanoseka nekusaziva dambudziko randinaro.”
Hanzvadzi yake yaanogara nayo, Solomon Mabhena, anoti vabereki vavo vambozama kurapisa Faith asi hapanai shanduko iri kuitika.
“Kana dziri mombe nemari, dai tiri shoroma tiine mota neimba nekuti mombe danga rakapera nedonzvo rekuti mwana apore. Patakaona zvisiri kupera takafunga kuti chivanhu, ndiko kunova kwakaperera mari,” anodaro Solomon.
Kune vanoda kubatsira Faith vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0737 881 096 votaura naSolomon.




