CUMA yosimudzira vechidiki

HERBET MANYOWA
HERBET MANYOWA

CHAMANGWIZA werimwe boka rinosimudzira nhabvu yevechidiki – CUMA Football Academy – Herbert Manyowa anoti zvakakosha zvikuru kuti vatambi vakaita mukurumbira munhabvu vakaita saMoses Chunga naShepherd Muradzikwa vapihwe basa rekudzidzisa vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu.

Achitaura svondo radarika kuKadoma pamhemberero dzeCUMA Football Academy Awards, Manyowa akati boka ravo riri kubatana neshasha dzakaita mukurumbira munhabvu kuti dzipote dzichidzidzisa vatambi vechidiki nevarairidzi vavo.

“Tiri mushishi iye zvino kuita hurukuro neshasha dzakanetsa munhabvu kare dzimwe dzacho takatopedzerana kutaurirana nadzo. Tinoda kuti vagouya kuzodzidzsa vatambi vechidiki nhabvu.

“Munhu akaita saChunga akauya kuzorairidza vatambi nhabvu kwemasvondo maviri vanodzidza zvakawanda uye kana varairidzi vavo vemazuva ese vanowanowo zvavanodzidza kubva kuna Chunga.

“Vatambi vechidiki venhabvu vamwe vanofunga kuti kutamba nhabvu ndezvekunakidzwa chete vari kuchikoro asi kwete. Vakaona vanhu vakaita saChunga, Muradzikwa, Jairosi Tapera nevamwe vachiuya kuzovadzidzisa nhabvu vega vanotozvionera kuti yakakosha chaizvo uye vane mukana wekuenda kure nemutambo uyu,” akadaro Manyowa.

Zvakadaro, Chunga naMuradzikwa vakarumbidza basa riri kuitwa neCUMA mukusimudzira nhabvu yevechidiki.

“Vana vakadzidza nhabvu kubva kwatiri isu takatamba kare vanofunda zvakawanda uye tinogona kubika mumwe Moses Chunga anomirira nyika yedu mumitambo yakawanda,” akadaro Chunga.

Mashoko ake akatsinhirwa naMuradzikwa uyo akati mamwe mapoka anotsigira nhabvu anofanira kudzidza kubva kune zviri kuitwa neCUMA Football.

“Tinofanirwa kubatana mukushanda zvakasimba kubika vechidiki nekuti ndivo vatambi vemangwana vatinotarisira kuti vachazomirira nyika yedu kumitambo yakasiyana,” akadaro Muradzikwa.

Zvakadaro, CUMA Football Academy yakaremekedza Chunga nekumupa mubairo weFootball Legend International Lifetime Award.

Boka iri rakavambwa mugore ra2012 naManyowa pamwe naCuthbert Malajila anove mutambi wemaWarriors neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa nechinangwa chekusimudzira tarenda renhabvu mune vechidiki.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×