Benitez orumbidza Ronaldo

MURAIRIDZI weReal Madrid Rafa Benitez akarumbidza Cristiano Ronaldo uyo waakati ndiye mutambi wenhabvu anogonesesa pasi rose zvichitevera kunwisa hat-trick kwaakaita apo vakakunda Shaktar Donetsk.

Chizvarwa chekuPortugal ichi chakanwisa katatu mumutambo uyu, kaviri kacho raive bhora remugadzikirwa (pena) apo Real yakahwina mutambo wayo wekutanga wemuChampions League.

Izvi zvinotevera magobhora mashanu aakanwisa pavakakunda Espanyola svondo radarika apo Real yakahwina 6-0.

Paakabvunzwa nezvaRonaldo, Benitez akaudza vatori venhau vekuSpain kuti, “Zvinondishamisa zvikuru imi vatori venhau munombotenderera nguva refu pamusoro pezvinotaurwa nezvinoitika munhandare.

“Hapana nguva yemakakatanwa, ndiye akapenga pasi rose. Ndinoyemura zvikuru matambiro ake.”

Chikwata chekuSpain ichi, icho chisati chambonwisa mwaka uno, chakatambisa mikana yakawanda mumutambo uyu Karim Benzema ndokunwisa zvakaita kuti vakutungamire.

“Wanga uri mutambo wakaoma,” Benitez akadaro.

“Shakhtar yanga ichigara ine bhora nguva dzakawanda uye zvange zvichitiomesera dzimwe nguva.

“Zvanga zvakaoma hazvo kunyangwe takakwanisa kuwana mikana yakawanda. Ndiri kufara hangu kuti takakwanisa kuwana mikana yekunwisa yakawanda iyo yatakazokwanisa kushandsa uye isu hatina kunwiswa.”

Kuhwina kwakaita Real kwakaisimudza kuenda pamusoro muboka iri reGroup A asi yakaenzana zvibodzwa neshasha dzekuFrance Paris Saint-Germain iyo yakakunda Malmo 2-0.

Asi kuhwina kwakaita Real kwange kusina mufaro wakanyanya nekuti vamwe vatambi vayo vanoti Gareth Bale, Raphael Varane nakaputeni wacho Sergio Ramos vose vakakuvara mumutambo uyu. — Sky Sports News

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *