l South Korea yakapa mabhuku, makombiyuta

Ambassador Kwon Yong-Kyu
Ambassador Kwon Yong-Kyu

NYIKA yeSouth Korea svondo rapera yakatsigira dzidzo yemuZimbabwe kuburikidza nekupa makombiyuta 32, mabhuku ekuverenga anodarika 4 500 nemimwe midziyo yekushandisa izvo zvinokosha $100 000 kuburikidza nesangano reAfrica Book Development Organisation (ABDO).

Vachitaura pakupihwa kwezvinhu izvi muHarare svondo rapera, mumiriri weSouth Korea muno, Ambassador Kwon Yung-Kyu, vakati vane shungu dzekutsigira dzidzo yemuZimbabwe.

“Midziyo iyi ichabatsira vana vari kumaruwa kunova kune zvikoro zvakasaririra zvinokwana zvisere zviri kuTsholotsho nekuChakari uye ichabatsira vadzidzi 4 500 vemazera akasiyana,” vakadaro.

Vanoti sangano reKorea International Agency rakaona dzidzo chiri chinhu chakakosha icho chinoda kutsigirwa senzira yekuzadzisa kodzero dzevanhu.

“Kuburikidza nedzidzo, vanhu vanowana mazano nehunyanzvi hunovabatsira mukusimudzira upenyu hwavo. Kuburikidza nedzidzo, tinokwanisa kurwisa nzara nehurombo. Ndiko kusaka takasarudza kuti tinge tichiita mabhindauko ekubatsira vadzidzi vari kumaruwa muZimbabwe.

“Rimwe donzvo redu nderekuti tinge tichirwisa nzara kuvanhu vanodarika 15 000 kumaruwa ari kuChakari nekuTsholotsho,” vakadaro.

Gurukota rebazi remadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Cde Nyasha Chikwinya, mumashoko avo avakaverengerwa nemunyori mukuru kubazi iri, Dr Perpertua Gumbo, vakati danho rakatorwa neSouth Korea rakakosha zvikuru sezvo richibatsira kuvandudza dzidzo yemwanasikana, zvikuru vekumaruwa.

“Vanasikana vekumaruwa nemadzimai vanosaririra zvikuru munyaya dzeruzivo rwechizvino-zvino. Asi kuburikidza nemakombiyuta uye mabhuku amavapa, tichaona shanduko huru.

“Kana murauri wehove akapihwa chirauro kashoma kuti adzoke kubva kurwizi ari mawoko chete,” vakadaro Cde Chikwinya.

Vanoti vanoshuvira zvikuru kuti vanasikana vakawanda vari kumaruwa vawaniswe mabhezari kuitira kuti vawane mikana yekudzidza sezvinongoitwawo nevemumaguta.

Murongi mukuru kusangano reABDO, VaAlbert Mazula, vakati South Korea yave nemakore matanhatu ichishanda nesangano ravo mukutsigira dzidzo muZimbabwe.

“Mugore ra2010, ABDO yakatsvaga rubatsiro ikapa mabhuku 649 anove akagoverwa kudzimba dzekuverengera (librairies) 12 kuChegutu nekuMatobo District uye ticharamba tichibatsira napose patinogona napo,” vakadaro.

Nyanzvi munyaya dzekunyora mabhuku pamwe nenhetembo ari zvakare sachigaro weABDO, VaAlbert Nyathi, vakati vane shungu dzekuona kuti tsika nemagariro zvadzidziswa munharaunda dzose senzira yekudzoreredza hunhu nemitauro zvemuZimbabwe.

“Tinoda kuti vanhu vange vachigona kuverenga, kunyora, kurwisa nyaya dzemhirizhonga, kuziva tsika dzechivanhu kuburikidza nekuramba vachifunda, zvikuru munzvimbo dzakasaririra muZimbabwe,” vakadaro.

Kunze kwedzidzo, sangano iri rinobatsira zvakare vanhu vari kumaruwa mumabhindauko akadai seekurima, nyaya dzeutano, kucheresa zvibhorani, kuchengetedzwa kwenharaunda vachishanda pamwe nesangano reEnvironmental Management Agency nemadzishe.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *