Chakachaya kuChibuku Super Cup

KUNOTSVA demo kugosara mupinyi svondo rino neMugovera pamwe neSvondo kunhandare yeNational Sports Stadium muguta reHarare uko kuchatambirwa mitambo mina yeChibuku Super Cup quarter-finals.

Zvikwata zvisere zvinoti Chicken Inn, Chapungu United, Harare City, Triangle United, ZPC Kariba, How Mine, Dynamos FC uye neFC Platinum ndizvo zvasara mumutambo uyu uye zvose zvichatamba pamazuva maviri aya zvichirwira kupinda musemi-fainari.

Mugovera

Chicken Inn vs Chapungu United

Mumutambo wekutanga uchatambwa musi weMugovera na1pm uchaona chikwata chaJoey Antipas cheChicken Inn kana kuti Gamecocks icho chiri kutungamira muPremier Soccer League chichibandana neChapungu iyo inozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Waru Waru.

Chikwata chaAntipas chinofanirwa kuzviziva kuti mitambo yeligi neyemikombe zvakasiyana saka chinotosunga dzisimbe kuti chifambire mberi mumutambo uyu.

Harare City vs Triangle United

Mumutambo wechipiri wemusi weMugovera uyo uchatambwa na3:30pm uchaona maSunshine City Boys achitatsurana neTriangle FC, Boys dzeShuga. Varairidzi zvezvikwata zviviri izvi Taurai Mangwiro weHarare City naKelvin Kaindu weTriangle United vanoziva kuti muligi havasisina mukana wekuihwina saka chasara kwavari kurwira mikombe yakaita seChibuku Super Cup iyi.

Svondo

ZPC Kariba vs How Mine

Zvikwata izvi zvose parizvino zviri kutatarika mumitambo yeligi uye varairidzi vazvo havana hope nekuda kwematambiro azviri kuita.

Svondo rino zvicharwa semvumba kuti zvigofambira mberi kupinda musemi-fainari yemutambo uyu.

Dynamos vs FC Platinum

Zvikwata zviviri izvi pazvakapedzisira kusangana svondo radarika DeMbare yakazorwa ‘butter’ mumutambo weligi apo yakakundwa 3 -1.

Svondo rino DeMbare ichange ichida kutsividza FC Platinum asi zvichange zvakaoma nekuti Platinum iri kurwira kuchengetedza mukombe wayo wayakahwina gore radarika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *