BVUNZA GODOBORI: Chii chinonzi chidhoma?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndaverenga pamwe chete nekunzwa nyaya dzakawanda dzezvidhoma kana kuti zvikwambo, izvo zvinonzi zvinoshungurudza voruzhinji uye zvichikonzerwa nekuromba kana kuti uroyi. Ndinoda kuziva kuti chii chinombonzi chidhoma? — T. Musambakurima, Goromonzi.

Mhinduro

Chidhoma kana kuti chivanda imhuka kana kuti chinhu chinoshandiswa nevaroyi pakuita mabasa avo ekukuvadza kana kuuraya vanhu.

Iyi imweya yevanhu vakafa inotorwa kumakuva.

Chidhoma chinonzi chinogadzirwa nemishonga nen’anga kana kuti ivo varoyi.

Kazhinji, chidhoma chinogadzirwa nemweya yevana vadiki vakafa. Mweya iyi inoshandurwa, ichiitwa zvidhoma. Izvi ndizvo zvinoita kuti zvidhoma zvizhinji zvitaure sezvinoita vacheche.

Kunewo zvidhoma zvechikuru. Izvi zvinomutswa pachishandiswa mweya yevanhu vakuru seharahwa, izvo zvinoonekwa zviine husvisvi hwendebvu.

Zvidhoma zvinogadzirwa kubva kumweya yevana vadiki zvine hasha dzakanyanya kana zvichienzaniswa nezvinogadzirwa nemweya yevanhu vakuru.

Panongofa munhu, varoyi vanobva vatora mweya wake asati avigwa, voushandisa kugadzira zvidhoma.

Chidhoma nechikwambo zvinoda kufanana nokuti zvose zvinogadzirwa nemweya yevanhu vakafa.

Asiwo zvakakosha kuziva kuti kushandisa zvidhoma kwakaipa zvachose sezvo kuchizokonzera matambudziko makukutu mumhuri uye hazvina kumbosiyana nekupara ngozi sezvo zvichipedza rudzi.

Ndinovimba T. Musambakurima nevamwe mabatsirika nemhinduro iyi.

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *