BVUNZA GODOBORI: Chii chinonzi kupisira guva?

MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Mazuva ano vamwe vanhu vari kurova makuva, angave evabereki vavo kana dzimwe hama dzakadai sanasekuru kana vanambuya.

Pachivanhu, zvinonzi murume kana mukadzi akashaikirwa nemumwe wake waange akaroorana naye haafanirwi kuzoshinha nemumwe munhu kusvikira guva remushakabvu ratambwa kana kuti kurohwa.

Ichi ichokwadi here? — Sorojena, Mberengwa

Mhinduro

Pachivanhu, kana munhu mukuru achinge afa, guva rake rinofanira kurohwa mushure menguva yakaita segore.

Zvenguva yacho zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo.

Kurova guva uku inzira yekudzora mweya wake kana mudzimu kuti uuye mumhuri yaakasiya, iyo mushakabvu uyu anotarisirwa kunge achichengeta.

Ichokwadi kuti murume kana mudzimai akafirwa nemudikani wake haafanirwi kushinha nemumwe munhu kusvikira guva remushakabvu rarohwa.

Izvi zvinoitwa senzira yekuremekedza mushakabvu.

Pamusoro pezvo, uya anenge afirwa nemurume kana mudzimai wake anoonekwa semunhu achiri panguva yokuchema kusvikira panozorohwa guva racho.

Pachivanhu, hazvina unhu uye hazvitenderwi kuti munhu afirwa apinde murudo kana kushinha nemumwe munhu guva risati rarohwa. Maitiro anopokana neizvi anozivikanwa nokunzi kupisira  guva.

Munhu akapisira guva anenge akanganisa zvakanyanya, izvo zvinokonzera kuti agone kuzosangana nerushambwa kana kuti munyama mukurarama kwake.

Hongu, mazuva ano kwave nenhubu.

Unoona munhu ave kutopinda murudo, ave kutoshinha nemumwe, mushure memwedzi mishoma            afirwa nemukadzi kana murume wake.

Kwete, maitiro akadai haana unhu zvachose.

Ndicho chimwe chezvikonzero zviri kuita kuti wanano dzerudzi urwu dzigare dziine matambudziko makukutu.

Ndinovimba Sorojena wekuMberengwa nevamwe mabatsirika nemhinduro iyi.

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *