BVUNZA GODOBORI: Jekesai zvemurume wekudonhera pamusoro pemba yedare

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Tine nyaya inokatyamadza iri kutenderera pamasaisai yemurume akaonekwa pamusoro pemba yedare redzimhosva kwaMutare, uyo anoti akadonherapo apo rimwe remapapiro ake rakadambuka paaibva kuGokwe. Chingadaro chiri chii chakaitika kumurume uyu? Munoionawo sei nyaya iyi? — Z. Mafunga, Mutare

Mhinduro

Vanhu, vachishandisa simba ravo voga, nzvimbo iyi haigoni kukwirika. Izvi zvinoreva kuti pane zvine simba repamusoro rakawedzereka zvakaitika munyaya yekwaMutare.

Pane nhau dzeuroyi dzinogona kunge dziripo. Vanhu vanoshandisa mashavi euroyi vanogona kupinda mudzimba dzevamwe magonhi akavharika, zvinova zvinokatyamadza.

Vanhu vakadai vanofamba vachiita zvekubhururuka. Vanokwanisazve kushandisa rusero pakuita nzendo dzavo. Vanogona kungomhara seshiri padzimba dzakadai, dzemudurikidzwa, nedzimwe zvekusvika kuhutozotozo pasina dambudziko.

Nemasimba emashavi, seeuroyi, munhu anogona kufamba zvisingaonekwi, ongoerekana ati pfacha kwaanoda kuenda nechinguvana.

Kune vamwe ambuya vekwaMutoko vakanodonhera pamusoro pemba yeimwe mhuri, vakabuda pachena kuti vainge vadonhedzwa muchisero nevamwe vavo.

Muchakabvu Sekuru Mushore, avo vaive svikiro rinozivikanwa zvikuru, zvinonzi vakaramba kukwira motokari yemapurisa asi vakazowanikwa vakagara pakamba yemapurisa kuNorton.

Vainge vafamba netsoka zvekutotangira motokari. Pachivanhu, murume uyu anogona kunge aive nemhepo yaimushandisa zvokuva nesimba rekuita zvishamiso, sezvaakaita.

Ndinovimba Z. Mafunga nevamwe mabatsirika nemhinduro iyi.

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *