BVUNZA GODOBORI: Mishonga yerukwa ichiriko here?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

***************

Mubvunzo

Ndakashamiswa zvakanyanya nenyaya yakaburitswa nebepanhau reKwayedza svondo rapera yedzinza rinonzi vanhu vose vemo vakaremara makumbo, zvichinzi izvi zviri kukonzerwa natateguru wavo, uyo akaba mhembwe yemumwe muvhimi yaive pamusungo.

Ndaingonzwa vanhu vakasiyana-siyana vachitaura pamusoro penyaya dzerudzi urwu, vachiti kana munhu achinge aba, oshandisirwa mishonga yechivanhu, anogona kusangana netsekwende dzakatsaukana-tsaukana.

Ini ndaifunga kuti idzi ingano kusvikira ndazoverenga nyaya yemhuri iri kuremara makumbo zvichikonzerwa natateguru wavo akaba mhembwe pamusana penhomba yenyama.

Mishonga yemhando iyi ichiriko here? Ndiri kubvunza sezvo ndinogona kuidawo nokuti mazuva ano mbavha dzave kutoita madiro aJojina chaiwo? — Mai B, Mbare, Harare.

Mhinduro

Kubva pasichigare, vanhu vane nzira dzakasiyana-siyana dzavanoshandisa kuchengetedza midziyo kana zvirimwa zvavo.

Imwe yenzira idzi ndeyokushandisa mishonga yechivanhu inozivikanwa nokunzi rukwa.

Mishonga iyi nanhasi ichiri kushandiswa nevamwe vanhu.

Panyaya yemhuri ina tateguru akaba mhembwe pamusungo, mhando yemushonga werukwa wakashandiswa ndewokuti vedzinza rake vanoremara makumbo.

Zvinhu zvakadai zvinosuwisa nokuti mhosva yakaparwa nemunhu mumwe chete, kuma 1890, asi iye zvino yave kuparira dzinza rose.

Pamishonga yerukwa, pane wokuti kana munhu achinge aba haazokwanisi kubva panzvimbo yaanenge aitira mabasa akadai. Anogona kunamirira pachinhu chaanenge aba kana kuti anoramba achidzengerera panzvimbo iyoyo kusvikira abatwa nemunhu waabira.

Pane mimwewo mishonga yokuti munhu akaba zvokudya zvakaita sechibage anogona kuzvimba dumbu mushure mekuchidya.

Mimwe yemishonga iyi inoroyonoka. Somuenzaniso, munhu akazvimba dumbu mushure mekuba, munhu waabira akamunzwira tsitsi, anogona kuita kuti dumbu iri riserere.

Asi kune mimwe mishonga isingaroyoneke.

Hongu, kubirwa kunorwadza asi hatikurudziri kuti vanhu vashandise mishonga yerukwa iyi nokuti yakaipa uye inotambudza vasina mhosva yavakapara, sezviri kuitika mumhuri ina tateguru akaba mhembwe iyi.

Kana munhu uchinge wabirwa, zvinoda kungozvisiira kuna Mwari nokuti anotaura mushoko rake dzvene, Bhaibheri, kuti kutsiva ndekwake.

 

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×