Mwanasikana (14) otsvagwa mushure mekushaikwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo ari kutsvaga mwanasikana anonzi Beyonce Chinheva (14)  wekuRunyararo West mudhorobha iri uyo asiri kuzivikanwa kwaari mushure mekunge akangobva pamba mangwanani nguva pfupi yadarika  ndokushaikwa zvachose.

  Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mwanasikana uyu akagumisira kuonekwa nemusi wa28 Chikumi gore rino nenguva dza7 mangwanani.

“Semapurisa ekudunhu  reMasvingo, tiri kutsvagawo musikana anova mwana wechikoro, Beyonce Chinheva (14), anogara panhamba 15796 mumugwagwa waCheuriri Street mumusha weRunyararo West kuMasvingo. Musikana uyu akagumisira kuonekwa nenguva dza0700 hours.  Angangodaro akareba mamita 1,49,  ari mushava uye musoro wake waive usina vhudzi aine muparavara. Ane muviri uri pakati nepakati,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti musikana uyu akagumisira kuonekwa akapfeka

 rokwe reblue rine mavara-mavara.

“Tinokurudzira kune vose vane ruzivo nemafambiro kana kuti kune mwana uyu vazivise mapurisa eZRP ari padyo navo kana kuridzira nhare Officer In-Charge Chikato ZRP Inspector Zivai Mlambo panhamba dzinoti 0775 769 826 kana 0392262137. Vanogona zvekare kutaura nemupurisa ari kufeya nyaya iyi, Investigating Officer Constable Joyline Darangwa, panhamba dzinoti 0771 644 914,” vanodaro Insp Dhewa.

Zvakadai, mapurisa ari kukurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vagare vachiongorora mafambiro avo nguva dzose.

“Sevabereki, kana vose vanogara nevana, ngatitarisisei mafambiro evana vedu nguva dzose kubva pakuenda kuzvikoro nekwese kwavanobvakacha nekudzoka uyewo nekuti shamwari dzavo ndedzipi nekuonawo hunhu hwavo chaiho. Vanhu vakuru vanosvika padyo nevana vedu vanofanirwawo kutarisiswa zvizere. Tinoshuvira kuti mwana ari kushaikwa uyu achawanikwa ari panzvimbo yakaringana. Vose vane zvavanoziva ngavasununguke kupa mashoko avo chero  kumapurisa ari pedyo navo,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×