BVUNZA GODOBORI: Ndaisaziva kuti amai vakafa makore 4 adarika

MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndiri murume ane makore 36 okuberekwa uye mumhuri medu ndakaberekwa ndiri zinyarimwe zai regondo. Baba vangu vakafa ndichiri mudiki, ndokusara ndiina amai, avo vakazondirera kusvikira ndayaruka.

Ndakakura ndichigara naamai kuGokwe, kwavainge vatamira, kuminda mirefu.

Ini ndakazobva kuGokwe uku ndisati ndaroora muna 2004, ndichinogara kuMarondera, kunova iko kwandinoshandira.

Ndabva kuGokwe, handina kuzombodzokerako uye ndaisafona kuti ndinzwe kuti amai vangu vari sei. Mukufamba kwenguva, ndakazotanga kusangana neminyama, inosanganisira kupomerwa mhosva dzandisina kupara uye kusvika pakumbosungwa chaiko nemapurisa.

Ndakashushikana kusvikira ndave kufamba kumaporofita, uko gore rino ndakazoudzwa kuti amai vangu vakange vafa kare.

Mumwe wemaporofita aya akandiudza kuti handina kuchema amai vangu, zvinova izvo zvaikonzera kuti ndisangane nerushambwa mukurarama kwangu.

Izvi zvakandishamisa.

Nokudaro, ndakaenda kuGokwe, ndikanoudzwa kuti chokwadi amai vangu vakange vashaya makore mana adarika.

Mubvunzo wangu muchidimbi uri pakuti ndodii kuti ndikwanise kuchema amai vangu maringe nechivanhu? — S. Marewakwazvo, Marondera.

Mhinduro

Nyaya yako inorwadza zvakanyanya. Chokutanga, regai nditi ichi ngachive chidzidzo kune vamwe vose kuti vabereki havadi kufuratirwa.

Munhu haufaniri kusvika pakutokanganwa kuti kuna baba naamai vanoda kuchengetwa kana kupota vachionekwa. Regai vakuru vazoti ziva kwawakabva mudzimu weshiri uri mudendere.

Ivo amai vako vakange vambokutadzira chii kuti usvike pakuvafuratira kudaro? Inga vakakuchengeta wani kusvikira wayaruka, sokutaura kwako. Hazvisi nyore kuti shirikadzi ikwanise kuriritira mhuri. Asi amai vako vakazama. Dai vasipo handifungi kuti waizosvika pachidanho chavave nhasi; kuva munhu pane vamwe.

Waifanirwa kunge wakavachengetawo, kunyanya tichitarisa kuti wainge woshanda. Ndosaka kuine tsumo inoti chirere chizokurerawo. Chinosuwisa ndechokuti iwe hauna kuzadzisa chirevo chevakuru ichi kuna amai vako.

Bhaibheri pacharo rinoti wani kudza baba namai vako kuti mazuva ako panyika awedzerwe.

Zvisinei, kwauri, yadeuka yadeuka, mvura yemuguchu haiorewi.

Kuti ukwanise kuchema amai vako, enda kumusha kwavo, uonane nemadzisekuru, avo vanokuudza gwara raunofanira kutevedza sezvo chivanhu chinofanira kuitwa chinosiyana nzvimbo nenzvimbo.

Asi zviri pachena kuti unotofanira kubvisa mombe yekuripa madzisekuru ekumusha kwaamai vako nokuda kwezvawakaita izvi.

* Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×