MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evanhu vatema uye vachipindurwa nenyanzvi.
Mubvunzo
Ini ndiri murume ane makore 56 okuberekwa uye baba vangu vakashaya. Mumhuri yababa vangu, vakaberekwa vari vana asi vose vakashaya; kwangosara isu vana vavo chete. Amai vababa vangu ndinonzwa kuti vakashaya mugore ra1940; sekuru, murume wavo, ndokuzofa muna 1978.
Nyaya yangu iri pakuti makuva asekuru naambuya akarohwa asi haana kuzogadziridzwa kana kuti kuiswawo matombo (tombstones) sezvave kuitwa mazuva ano.
Mubvunzo wangu uri pakuti pane chakaipa here isu, sevazukuru, tikaisa matombo aya uye nderipi gwara ratinofanirwa kutevedza kuti basa iri rifambe zvakanaka?
Ndatenda. — Musharukwa Masawi, Gandanzara, Rusape
Mhinduro
Munguva ino yemwaka wechirimo, kunyanya kubva mumwedzi waNyamavhuvhu, vanhu vakawanda vanorova makuva, kuisa matombo pamarinda nezvimwe zvakasiyana-siyana, zvinove zvinhu zvinokurudzirwa zvakanyanya patsika nemagariro edu sevanhu vatema.
Panyaya yako Musharukwa Masawi, hapana chakaipa kuisa matombo pamakuva asekuru naambuya venyu. Iri idanho rinofanira kurumbidzwa sezvo kuri kugadziridza parere hama, uko kunoita kuti marinda aya ave nechimiro chakanaka.
Nhasi uno kune mamwe makuva ari panzvimbo dzazara nemiti kana uswa. Pashaya anogadziridza zvokuti paari hapana kumbosiyana nesango, chinove chinhu chisina kunaka zvachose.
Kumakuva kwagara kuchikosheswa, kunyangwe nemuBhaibheri chaimo, nokuti tinoverenga pamusoro pemarinda evanhu vakaita saRachel.
Chinongodiwa chete kuitwa newe Musharukwa Masawi nevamwe vemumhuri yako kuzivisa hama dzasekuru naambuya venyu nezvechirongwa chenyu chokuisa matombo pamakuva avo. Mukavazivisa, vanokupai gwara rokutevera pamwe chete nechivanhu chinodiwa kana kuti chiKristu chinotevedzwa, zvichienderana nezvavanoda.
Musadzokere kumashure mubasa iri nokuti mafunga kuita chinhu chakanaka, icho chinoita kuti muwane makomborero mukurarama kwenyu semhuri.
Asi yeukai kuti mabasa akaita sokuisa matombo pamakuva nemamwe ane chokuita nechivanhu haaitwi mumwedzi waMbudzi sezvo uchiyera.
Ndinovimba Musharukwa Masawi nevamwe mabatsirika nemhinduro iyi.
Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.



