‘Pana vaMugabe: Africa yakagona’

Muchaneta Chimuka ZVIZVARWA zveZimbabwe zvakarumbidza kusarudzwa kwakaitwa mutungamiriri wenyika neHurumende, President Robert Mugabe, kuve sachigaro wesangano reAfrican Union (AU).

‘Landlord’ akamitisa mudzimai weroja

Hardway Nyakuwarwa MUMWE muridzi wemba anonzi akadanana nemudzimai weroja rake zvekusvika pakupanana mwana izvo zvakazoita kuti mukadzi uyu asiyane nemurume wake.

‘Kanda mwana muna Mukuvisi’

Garnet Zvimba NYAKUITA manyemwe ekuudza mukadzi wake kuti haabvise mari yemendenenzi uye kumuti anokanda mwana wacho murwizi rwaMukuvisi, muHarare akabva kudare atonhorerwa apo akanzi abhadhare $90 pamwedzi.

Kupindira imwe mota nemazvo

Ernest Muchena VATYAIRI vazhinji vane dambudziko pakupindira imwe mota kana vachida kumhanya zviya. Vamwe vanotozowira muna taisireva asi vamwe ndivo vanosiya vakonzeresa tsaona ivo votofunga kuti ndivana tsuro magen’a. Vazhinji

Nyoka ine misoro miviri?

CHAKAVE chapwititi kunzvimbo inogara vanhu vakawanda yeHopley, muHarare mangwanani emusi weMugovera wadarika apo kwakatenderera mashoko aiti kwainge kwaonekwa zinyoka raiva nemisoro miviri pane imwe imba ikoko.

PRESIDENT MUGABE VAVA SACHIGARO WEAFRICAN UNION

Caesar Zvayi ari kuADDIS ABABA, kuEthiopia MUTUNGAMIRI wenyika, President Robert Mugabe, avo vari kumusangano weAfrican Union kunyika yeEthiopia, vasarudzwa kuva sachigaro weA.U.

Ofemeswa nebarika remapatya…-Ndinomurova muripo uyu -Haadarikwe nemarokwe uyu

Kingstone Mapupu MURUME wekwaChimombe, kuBuhera, uyo ane barika remadzimai maviri mapatya, aoneswa moto nevakadzi vake ava, avo vanonzi vanogara vachimurikita pamwe nekumushungurudza nedzimwe nzira. Davison Dongo (38), wemubhuku raMagwaza pedyo nenzvimbo…

Tichasimudzira: Chaminuka

Abel Ndooka MURAIRIDZI weZPC Kariba, Saul Chaminuka, anoti chikwata chake chiri kutangira pavakasiira gore rapera apo vakapotsa vahwapura mukombe wePriemer Soccer League uye parizvino vari mushishi kuchiumba zvichitevera kutizwa kwachakaitwa…

‘Makondomu muzvikoro kwete’… – ‘Musaise vana pamiyedzo’ vamwe vachiti ‘Tipei, hapana chitsva apa’

Muchaneta Chimuka VANA vechikoro nevamwe veruzhinji vari kupikisana zvikuru nepfungwa yekuti muzvikoro muiswe makondomu vachiti izvi zvinowodza hunhu hwakanaka hwevana. Izvi zvinotevera chikumbiro chemamwe masangano akazvimirira kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, chekuti

‘Mudzimai haugeze murume asipo’…Vasikana havaguswe dakara varoorwa

Kingstone Mapupu KUNE nzira pamwe netsika dzinonzi dzinoshandiswa nemarudzi akasiyana kubva pasichigare mukuchengetedza wanano pakati pevakaroorana, vangave varume kana vakadzi. Dzimwe dzetsika idzi dzinosanganisira kushandisa mishonga yakaita serukawo kana kuti…

×