Vasikana vakarova chikoro paA’Level
VANASIKANA ndivo vakatora mukombe pakupasa kupinda vakomana pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera. Ongororo yakaitwa neZimsec inoratidza kuti vanasikana vakapasa nechikamu che74% kana zvichienzaniswa nechevakomana
Handidhakwe: Johnson
SHAsha yegorofu, Dustin Johnson, ari kutsika madziro kuti haatore zvinodhaka zvakaita secocaine zvichitevera kumiswa kwaakaitwa zvemitambo apo akabatwa kuti aishandisa zvinodhaka zvisingatenderwe. Chizvarwa chekuAmerica, Johnson, anoti akatadza kupinda
Ebola nemhirizhonga
Muchaneta Chimuka NYAYA dzemhirizhonga uye rusarura kuvanhu vane chirwere cheEbola dziri kuonekwa dzichiwanda zvikuru kunyika dziri kudunhu reWest Africa, uko kwanetsa denda iri. Mhirizhonga iyi inosanganisira kurohwa, kuuraiwa pamwe nekusemwa kwevanhu…
Chikomba chaamai kudare
Hardway Nyakuwarwa MWANASIKANA akazvuvira chikomba chaamai vake kudare achida kuti chibhadhare mari yemendenenzi yekuchengeta munin’ina wake. Emma Nyasha Gwande akamhan’arira Vincent Mapeza achiti haasi kuchengeta mwana waakaita naamai vake vasati vashaika…
Mufundisi odzoka munhandare
Abel Ndooka MUTAMBI wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, uyo akatyoka gumbo rake achirwa kuDurban kuSouth Africa gore radarika, anoti ari kushanda nesimba kuti adzoke mumutambo uyu zvichitevera nguva refu yaapedza akagara…
Rudo ava nepamuviri…Anoronga zvekuenda kumurume wake
Ticha Tichaziva l “PAFUNGE” naT.K Tsodzo Bhuku Idzva “A” Level CHITSAUKO 1 (Nyaya yacho) Pamishoni yeMharapara apo tinosangana naMufundisi Lovedale mukuru wechikoro ichi, uyo ari kunetseka nenyaya yekuti musikana anonzi Rudo…
Hatidzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso!
HAZVISI zvokurwisana izvi, asi kutora rupawo rwamadzitateguru pane vanhu vane misoro yazara pfungwa namaitiro enyika dzokumadokero, nemafungiro anoita kunge vanhu vasina kupihwa mutauro wavo wakakwana, uyewo maitiro anoita kunge zvinoshamisira…
Mudzimai haadi amai vangu
KUNA tete, Ndiri murume ane makore 30 ekuberekwa, ndakaroora uye ndinogara nemhuri yangu kumusha. Tete, ndinokumbirawo kuziva kuti chii chinoitika pakati paamwene nemuroora kuti vasawirirane mumusha medu? Nyaya dzinongogara dziri…
World Navi yosimbisa hukama
Abel Ndooka SACHIGARO weDivision One Northern Region, Willard Manyengavana, anoti ligi ravo nekambani yeWorld Navi, iyo yaivakotsvera gore radarika, vari muhurukuro yekuti vagopinda mune chimwe chibvumirano chekuti hukama hwavo hurambe…
Ungabirewo chitunha here?
KUBA zvinoreva kutora zvinhu zvemumwe munhu asi iwe usina mvumo yekutora zvinhu izvozvo. Uye, kana uchinge wazvitora, unenge usina pfungwa kana chinangwa chekudzosera zvinhu izvozvo. Chinoitikawo zvakare nekuba ndechekuti, vanhu…






