Gakava re$10 rakaperera mudare
Tatenda Moyo MAKAKATANWA pakati pemumwe mukadzi neaimbova murume wake pamusoro pemusiyano we$10 pamari yekuchengeta mwana wavo akatozopedzwa nedare.
Zvidhoma zvochiva manesi
Kingstone Mapupu VASHANDI vepakiriniki yeMadavose, kwaShe Nyashanu kuBuhera, vanonzi vari kutiza kushandira apa zvichitevera nyaya yezvidhoma zvinonzi zvarura, izvo zvinonzi zvasvika pakupota zvichishinha nevanhukadzi. Nyaya iyi inonzi yakabuda apo mumwe…
chitunha chakavigwa chakatsamira us$450
Kingstone Mapupu IMWE mhuri yemubhuku raChikukutu, kwaNenguwo kuMarondera, yakaviga mufi nepiro yaiva neUS$450 “cash” ndokuzozviziva apo mari iyi yainge yodiwa pakugovewa kwenhumbi. Nekuda kwenyaya yatendererdza vagari veuku misoro iyi, kusanganisira mambo…
‘Mweya wechigure unoraurwa sehove’
Nyasha Mutena VANHU vakawanda vanovhunduka kana kunzwa kusagadzikana apo vanoona zvigure nekuda kwemashoko anotaurwa pamusoro pazvo sekuti zvinonzi zvinopfekera nhumbi dzazvo kumakuva, kana kuti zvinoshandisa mishonga inokuvadza. Kwayedza yakaita hurukuro nezvimwe…
Mukombe ndewani?…DeMbare kana Zpc Kariba? …Vamwe vobuda muligi
Abel Ndooka CHAKACHAYA svondo rino kumitambo yePremier Soccer League iyo yasvika kwamvura yacheka makumbo apo zvimwe zvikwata zvichange zvichirwira kutora mukombe, zvimwewo zvichatamba zvekudambuka makumbo segurwe kuti zvisaburitswe muligi iri. Rwendo…
Dzidzo ndiyo nhomba ingabaiwe mwanasikana
TINOZIVA kuti mumakore makumi maviri apfuura tichidzokera shure vana vaibayiwa nhomba kudzivirira zvirwere, kusanganisira vakuru. Nanhasi uno vana vanobayiwa nhomba yeBCG pakuberekwa, vozobaiwa yegwirikwiti uye chikosoro cherurindi nedzimwe nhomba
Maonero edu: Mari kubhanga, kwete mupiro
SVONDO rino tine imwe nyaya yemhuri yekwaNenguwo, kuMarondera, iyo inoti yakaviga mushakabvu nemari inosvika US$450 asi yakaita izvi nekusaziva. Mari iyi inonzi yaive yakasonererwa mupiro iyo yakazovigiswa nayo mushakabvu nekusaziva.…
Jah Love naSeh Calaz voyambirwa . . .
Kingstone Mapupu MAPURISA ari kuyambira vaimbi vechidiki, avo vanoimba nziyo dzekutukirirana, dzinonyadzisira, dzinony’omba vamwe nekukurudzira mhirizhonga kuti vasiyane netsika iyi. Izvi zvinotevera bongozozo rakamuka kunhandare yeCity Sports Centre, muHarare nemusi wa8…
Musangano wezvicherwa kuVic Falls
Muchaneta Chimuka MUSANGANO wekutanga wemakurukota anoona nezvezvicherwa munyika dziri pasi pesangano remubatanidzwa weAfrican Union (Extra-Ordinary Session of the African Union Conference of Ministers), uyo wakananga kusimudzira nyaya dzeupfumi, uchaitirwa muZimbabwe
Mushonga mutsva weumhutu
Daphne Machiri BAZI reutano nekurerwa zvakanaka kwevana rakaparura mushonga mutsva wekuuraya humhutu hunokonzera chirwere chemalaria unonzi Actellic. Mushonga uyu wakatotanga kushandiswa pasi pechirongwa chekufirita mudzimba kudunhu reManicaland. Pasi pechirongwa ichi, bazi…










