Flame Lilly, Whawha, Tsholotsho hodhi mupsl

LIGI reCastle Lager Premiership rakasvika kwamvura yacheka makumbo svondo radarika musi weSvondo apo Dynamos FC yakanyora zita rayo munhoroondo yenhabvu yemunyika ino nekuhwina kwayakaita mukombe weligi

‘Africa inoda mitemo yezvicherwa’

NYIKA dziri muAfrica dzinokurudzirwa kuti dzikumikidze mitemo ine chekuita nekusimudzirwa kwezvicherwa kuitira kuti chikamu ichi chibatsiridze zvakazara munyaya dzekuvandudzwa kweupfumi.

Dombodzvuku yotarisa parefu

CHIKORO cheDombodzvuku Primary School, chiri kwaMurehwa, icho chakahwapura mukombe mukuru mumakwikwi emutambo weJerusarema Mbende kudunhu reMashonaland East chinoti chine chishuwo

Mapurisa akabatsira mapatya

BOKA remapurisa echidzimai kuchikamu chePolice Protection Unit (PPU), reWomen’s Network, rakaita mushandirapamwe wekubatsira mapatya emumwe mupurisa avo vakasunungukwa vakabatana mimwe mitezo

Varairidzi vevechidiki vodzidziswa

VARAIRIDZI venhabvu vanosvika 20 kubva kuzvikwata zvevechidiki zvakasiyana vachasangana kuBulawayo svondo rinotevera kutanga musi waZvita 3 kusvika 7 apo vachange vachiitiswa zvidzidzo zveFifa -Cosafa Coaching

A-LEVEL — MUNZWA MUNDOVE: Makate otsvaga chakadya George

CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho: Enderero mberi) AMAI vaTendai vanoti ngavarege zvavo kuramba votaura zvakawanda, vachataura naMunjodzi kuti asare achivapa muriwo.

Murimi oita zvinorova nemabhatanati

MUMWE murimi wechidiki wekwaMutoko oita zvinorova kuburikidza nekurima mabhatanati uye pari zvino akatarisira kuwana US$3 000 kana achinge akohwa.

Madhibhi oshomeka

VARIMI vekuWard 18 kudunhu raShe Saunyama, kuNyanga vari kuchema-chema zvikuru nekushomeka kwemadhibhi izvo vanoti zvakonzera dambudziko rekuwanda kwezvikwekwe nezvirwere muzvipfuyo zvavo.

Mafashamu emvura – Zvino ndodii?

Ernest Muchena GORE negore, Zhizha neZhizha, tinonzwa kuti pane mota dzayeredzwa nemvura pamazambuko nemumigwagwa yakawanda. Vazhinji muchiri kutondera tsaona pana rwizi Runde.

Girls High School yakatora mubairo

CHIKORO cheGirls High School muHarare svondo rapera ndicho chakakunda zvimwe gumi mumakwikwi ane chekuita nekusimudzira utano hwemwanasikana apo vaiunganidza mapurasitiki anoputiriswa ma“pads” eStayfree

×
×