Vakazivira rufu rwemwana wavo paWhatsApp
VABEREKI nehama dzepedyo dzemumwe musikana aidzidza paCatholic University in Zimbabwe, muHarare, vakarohwa nehana ndokusara vazere nekushushikana apo vakazongoona nyaya nemifananidzo yechitunha chemwana
Tsvarakadenga yoreurura zvivi . . .‘ndakakura ndichigara nenjuzu’ . . . ‘Ndichitorera varume upfumi’
TSVARAKADENGA yemuHarare ine makore 29 okuberekwa yakabuda pachena svondo rino kuti yaishandiswa nemweya yetsvina ichigara pasi pemvura nenjuzu kwemakore 16 apo yaitumwa kunodanana nevarume ichivatorera
Koshesai vechidiki: Bunjira
SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu, Alois Bunjira, anoti nhabvu yemuno inobudirira chete kana pakave nekukosheswa kwekusimudzira vechidiki izvo zvinobatsira mune ramangwana.
Masvingo yotungamira mukuchecheudzwa
Catherine Murombedzi MUKUTANGWA kwechinhu chese chinofanirwa kusvika kumagumo kwacho kana kuti kuzadziswa. Topa muenzaniso werwendo, ukarutanga haungagumire panzira asi kuti kuguma kwarwo kusvika parunofanirwa kuperera nekuti
Fembera Fembera Tione!
VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti muimbi uyu, uyo ane mukurumbira mumusambo weAfro-Pop Jazz ndiani. Akamboimba naShinsoman mugore ra2008.
Paralympics dzotanga
GADZIRIRO dzemakwikwi eZimbabwe National Paralympic Games dzotanga uye chikwata cheHarare chinoti rwendo rwuno chinoda kutora mukombe uyo uri kurambira kupurovhinzi yeMasvingo.
Gunners yorwira mukombe
MURAIRIDZI weGunners FC, Kuda Masaraure, akatsidza kuti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigohwina mukombe weYadah Tv Top 8 Knockout Tournament.
Kuchera pose-pose kwokonzera Gukuravhu
MASABHUKU ekunharaunda yekwaMusiiwa kwaShe Musana kuBindura ochema-chema nekuda kwevanhu vari kuchera pose-pose, kusanganisirira muminda, vachitora ivhu rekuvakisa dzimba zvavanoti zvakonzera kuparadzwa
Varimi venyuchi vonyunyuta
VARIMI vari mubhizimusi rekuchengeta nyuchi pamwe nekugadzira huchi vari kuchema-chema nekuda kwemakoronyera ayo vanoti ari kutengesa huchi hwemanyepo zvinova zviri kukanganisa misika yavo munyika muno
Ko nhaimi, makachatirei?
KUSHAINIRWA nemukomana wawanga uchifunga kuti anokuda zvekutoda kukuroora kunorwadza. Chinorwadza ndechekuti, kana ukatanga kushainirwa musati mave kugara mese, ko kana mazove mese anozoita sei? Ko kana











