Tamirira Gvt: Zifa
Abel Ndooka SANGANO rinotungamirira nhabvu muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti riri kuzama nepose parinogona kuti mutambo uyu udzoswe uye rakanyorera zvakare kuHurumende richikumbira bvumo yekuti mitambo yePremier Soccer League…
Akafa atsikwa nemota isina mutyairi
Kingstone Mapupu MWANA aive negore nemwedzi mina yekuberekwa wekuBindura anonzi akatsikwa ndokufa nemotokari yababa vake iyo yakangoerekana yave kufamba isina mutyairi pachivanze chevabereki vake. Tsaona iyi inonzi yakaitika nguva pfupi…
Mapurisa oparidza mashoko
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police ekuMashonaland East – akabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nevemakambani – akatanga chirongwa chekutenderera mudunhu iri vachiparidza mashoko kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuzvidzivirira kubva kuchirwere…
‘Tawana mukana’
Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kuuya kwemushonga wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 (vaccines) kunopa mukana mukuru wekuti nyika dzirwise denda iri zvine mutsindo nekudaro…
‘Ngatirarame upenyu hutsva, tisavarairwe’
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire kurarama upenyu hutsva zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19 uye havafanirwe kuvarairwa panyaya yekudzivirira kupararira kwedenda iri zvisinei nebudiriro yavepo pakurirwisa. Vachitaura kuvatori venhau…
Ivermectin yoshandiswa kuvarwere veCovid
Thandeka Moyo-Ndlovu PAVE netariro huru kuvarwere veCovid-19 muZimbabwe zvichitevera kubvumidzwa kwakaitwa neHurumende kushandiswa kwemushonga wagara uchiwanikwa munyika muno weIvermectin kurapa varwere vedenda iri. Kutengwa kwemushonga uyu kunze kwenyika uye kushandiswa…
‘Dai tose tikatevedzera’
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru kuti kune vamwe vanhu vasina hanya nekutevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvisinei nekuti vari kufa uye kuwanikwa vaine denda iri…
Mushonga mukuru kugara kumba
Abel Ndooka MUKURU wesangano rinorwira kodzero dzeutano hwevanhukadzi reWomen in Health Zimbabwe – Mai Esther Murinyu Mawere – vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera mitemo yakatarwa neHurumende nechinangwa chekurwisa kupararira…
‘Lockdown’ yawedzerwa
Tandayi Motsi VAKAFANOBATA chigaro chemutangamiriri wenyika Acting President Chiwenga vazivisa kuti Hurumende yawedzera chirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 chinodaidzwa kuti Level 4 National Lockdown kusvika nemusi wa15 Kukadzi nechinangwa chekuchengetedza…
Covid yatipa chidzidzo: Kapfupi
Kingstone Mapupu SHASHA yemadhirama, Fred Kapfupi Manjalima, uyo anove muimbi zvakare, anoti chirwere cheCovid-19 chakonzera vaimbi vakawanda nevamwe vanoita zvemitambo kuva marombe uye kuti vadzidze kukosha kwekurongera ramangwana ravo. Izvi…










