Mvura yawanda mumadhamu
Kingstone Mapupu CHIKAMU chinoona nezvemvura, cheZimbabwe National Water Authority (ZINWA) chinoti kunaya kuri kuita mvura munyika kwaita kuti madhamu mazhinji madiki nemakuru awane mvura yakawanda inosvika chikamu che53 percent. VaTsungirirai…
Akapisirwa munda wechibage
Kingstone Mapupu MURIMI wekuGoromonzi anoti akarasikirwa nechibage chaakarima mwaka uno chose mushure mekunge chamwaiwa mushonga unouraya sora chikabva chatsva nevanhu vasati vazivikanwa. VaDesmond Nyamande (48) vanogara mubhuku raJaravani Marufu, kwaRusike,…
2020: Dai Isiriwo Covid . . . . . . yakakanganisa gore rainge ratanga zvakanaka
GORE ra2020 rasvika kwamvura yakacheka makumbo uye zvakawanda zvakaitika — zvinofadza nezvinosuwisa — apo vamwe vanoda kuriti igore rechirwere cheCovid-19 icho chazunguza pasi rose. Kwayedza inokupai muzvidimbu dzimwe dzenyaya dzakaita…
Kukaringa zvikanganwahama
NYAMA yezvikanganwahama inonaka zvikuru sezvo zvisina mafuta akanyanya. Svondo rino VaSimson Lukasi vekuBindira vanotsanangura mamwe mabikirwo ezvikanganwahama. Zvinodiwa: Chikari kana poto, zvikanganwahama, munyu, mafuta, hanyanisi, mhiripiri nematomatisi Mabikiro: Cheka zvikanganwahama…
Mudzimai wejongwe akatiza
Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekurumiswa nejongwe rehuku nevaridzi vepamba paanoroja kuMufakose, muguta reHarare, achinzi anononoka kubhadhara mari yemvura nemagetsi anoti akazotiza pamba apa sezvo ange ongoona masaramusi nekugarodzingirirwa nehuku iyi. Mai…
Mitambo yechinyakare ngaiitwe muzvikoro
Abel Ndooka SANGANO reNational Association of Primary Heads (NAPH) rinoti mitambo yechinyakare yakadai setsoro, nhodo, maflawu, arawuru, hwishu nechihwande-hwande yakakosha zvikuru uye inofanirwa kuitwa muzvikoro sezvo ichidzidzisa vana nekuvavhura njere.…
Michato yoparara
MAMBO Makope vekuMvurwi, kuMashonaland Central, vanoti gore rino wananano dzine chitsama mudunhu ravo dzaparara zvichitevera matambudziko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19.
BEAM yodzidzisa vana 1,5m
KUTANGA gore rinouya, Hurumende inenge yave kubatsira vana vari pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) nemayunifomu echikoro pamwe chete nemabhuku ekunyorera senzira yekuvayamura zvichitevera matambudziko akakonzerwa nechirwere cheCovid-19.
MaWarriors 9 vane Covid-19
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) razivisa kuti rambomisa gadziriro dzechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors dzekuenda kumakwikwi eAfrican Nations Championship (CHAN) zvichitevera kubatwa kwakaita vatambi vacho vapfumbamwe nechirwere cheCovid-19.
Akafa awira mugomba
MURUME wekuFrances Crone Claim, kuShamva – uyo anonzi anga ari chidhakwa chemakoko – akafa mushure mukuwira mugomba rakadzika mamita 15 umo akanorovera nemusoro apo aibva kudoro.











