NDAROHWA NENHAMO: SHAYA

GEORGE Shaya – murume wekunetsa nehunyanzvi hwake hwekutamba nhabvu muno – anoti kugara kwevanhu kudzimba nekuda kwedenda reCovid-19 kwapinza nzara mbishi mumba make.

Kana vanhu varasa chivimbo

VANHU vakawanda vanokatyamara kwazvo kunzwa kuti ngana nanhingi vaive nehushamwari hwakakomba asi havachawadzana, kana kushanyirana kudzimba kwavo. Panonyanya kunetsa ndipapa pekuti ko mhuri dzedu zvadzanga dzave nehukama, hukama uhwu hwongogurwa here totomira kufambidzana nokuti baba kana amai vemusha havachafambidzana navo?

Zvitunha zvinobva kunze kwenyika zvichambotanga zvaongororwa

HURUMENDE inoti mitumbi yevanhu vose vanofira kunze kwenyika ichabatwa sekunge ine Covid-19 uye inoongororwa zvakasimba isati yatenderwa kupinda muno.

Rendi: ‘Zvinoda kuti muwirirane’

Vanyori veKwayedza DANHO rakatorwa nedare reCabinet nemusi weChipiri rekuti maroja anenge anonoka kubhadhara rendi asadzingwe paanogara panguva ino nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19 rogashirwa nepakasiyana. Dare reCabinet rakaita chisungo chekuti…

Fodya yatanga kutengeswa

Elita Chikwati MWAKA wekutengeswa kwefodya wa2020 wakavhurwa nezuro uye kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti iri kugutsikana nekugadzirwa kwakaitwa nzvimbo dzinotengeserwa chirimwa ichi zvichifambirana nekuderedza kutapurirana nekupararira kweCovid-19.…

Corona nevatyairi vemagonyeti

NECHINANGWA chekuedza kumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19, Hurumende inoti vatyairi vemagonyeti vanofanirwa kuva nema “thermometer” ma“face mask” nemishonga yekugezesa maoko pavanofamba.

Ngwarira chikafu chaunodya – Chunga

MOSES “Bambo” Chunga anoti apo mitambo yakambomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19, vatambi ngavashandise mukana uyu kuita gadziriro vari kudzimba dzavo uye vachidya chikafu chinovaka nechinosimbisa muviri.

‘Social distancing’ aine vana +100

MURUME wekuChitungwiza uyo ane madzimai anodarika 20 nevana vanopfuura 100 anoti atambura nekuti ogarisana sei nemhuri yake yakakura iyi panyaya dzekukoshesa kuti vanhu vasagare vakaungana (social distancing) kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

Zvipatara zvakazvimirira hokoyo!

ZVIPATARA zvakazvimirira izvo zviri kuvheneka nekurapa varwere veCovid-19 asi zvisina kutenderwa kuita basa iri neHurumende zvanzi zvimire uye zviri kuzosungwa nemutemo.

Vovhenekwa coronavirus kuMhondoro

VAGARI vose vemubhuku rekwaChitemere, kuMhondoro-Mubaira, kudunhu reMashonaland West, pamwechete nevemunharaunda vari kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 pasi pechirongwa chekuda kunyatsozivisisa mamiriro edenda iri munzvimbo iyi.

×