‘Handidi coronavirus . . .’
NYAYA yemwana chipwere — uyo anotaura kukosha kwekugeza maoko ake kuti asabatwe necoronavirus — yatenderera pamadandemutande uye inopa dzidziso kune veruzhinji.
Hupfu kuvanhu
MAZANA evanhu vanogara kumabvazuva kweHarare, kuRuwa nekuEpworth nemusi weChina vakawaniswa mukana wekutenga hupfu hune mutengo wakaderera mushure mekunge Grain Millers Association of Zimbabwe yaendesa matani 600 muzvitoro zveko.
Covid-19: Vabatwa nayo vari kuwanda
VANHU vavhenekwa muZimbabwe vakawanikwa vaine coronavirus — utachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 — vasvika 18.
COVID-19 yave muno
Patrick Shamba Mupepeti VANHU vavhenekwa muZimbabwe vakawanikwa vaine coronavirus — utachiona hunokonzeresa chirwere cheCovid-19 — vasvika 18. Nemusi weChipiri svondo rino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti musi uyu, veNational Microbiology…
Tsotsi rakazvivhura dumbu nebanga
Muhamed Komboni MURUME wekwaZimunya, kwaMutare – uyo aiita zvokupaza dzimba dzavanhu achiba zvinhu zvavo – akazvicheka-cheka nebanga ndokuzofa apo akanga otya kusungwa nemhomho yevanhu yainge yamuvinga pamusha pake. Mutauriri wemapurisa…
Tiri kugadzirira mishonga: Nzenza
Tendai Rupapa SERIMWE rematanho ekurwisa chirwere cheCovid-19, Hurumende yakatotanga hurongwa hwekuti muno mugadzirwe mishonga inobatsira mukudzivirira nekuderedza marwadzo edenda ratekeshera pasi rose iri. Kana yavapo, mishonga iyi ichange iri yepachena.…
Tapinda nzara – ‘Money changer’
Nyasha Bvudzijena VAMWE vevanhu vanorarama nekuita mabasa emaoko vave kuchema nekuda kwechirongwa cheHurumende chinoti vanhu vose – kusara kwevanoita mabasa anokoshesesa – vagare kumba vasingafambe-fambe kwemasvondo matatu senzira yekudzivirira kutapurirana…
Hurumende yopa vanotambura mari
Tendai Mugabe MHURI dzinosvika 1 miriyoni idzo dzakasarudzwa kuburikidza nebazi rinoona nezvevanotambura reSocial Welfare nemusi weChitatu chino dzakatanga kuwana rubatsiro rwemari yekushandisa pasi pehomwe ye$600 miriyoni iri kubva kuHurumende senzira…
Kungombeya-mbeya vamwe vari mudzimba
Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa VARUME vana vari kumiswa mudare reHarare Magistrate Court nemhosva yekutyora mutemo wakadzikwa neHurumende uyo unodzivisa vanhu vose kufamba-famba uye kuti vagare mudzimba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere…
‘UPENYU PAMBERI, BHORA MUSHURE’
Abel Ndooka MUTAMBI weZimbabwe Warriors nechikwata cheStade de Reims chekuFrance, Marshall Munetsi, anoti panguva ino yechirwere cheCovid-19 icho chatekeshera pasi rose, upenyu hwevanhu hunofanirwa kukosheswa kudarika mutambo wenhabvu. Achitaura svondo…











