‘Unofa rinhi, vamwe vako vapera’
Nyasha Bvudzijena MURUME harahwa anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kumupumha huroyi achiti sei isiri kufa sezvo vamwe vezera rake vakapera kufa. Nicholas Gumbo akamhan’arira Christine Kamudzimu kuHarare Civil…
Omera ‘zizamu’ kumusana
MURUME anogara kwaMujinga, kuHurungwe, amera zinyama rinenge zizamu remukadzi kumusana kwake iro raanoti rinonyanya kukura kubva mumwedzi waMbudzi kusvika waKukadzi gore negore apo mvura inenge ichinaya.
Tiri kushandira mapurisa: hwindi…‘Vanoda $2 800 pakombi’…Regai tivaongorore: ZRP
MUKURU wemahwindi muguta reHarare ari kunyunyuta pamusoro pehuwori hwaanoti huri kuitwa nemamwe mapurisa ayo anovatorera mari dzechiokomuhomwe zuva roga-roga.
‘Ndairapwa TB nedzvinyu’
MUDZIMAI anogara kuChakari, kuKadoma, anoti akasvika pakunwiswa mvura ine muswe wemadzvinyu nekutemerwa nyora muviri wake wose mushure mekurwara kwenguva refu achinzi akaroyiwa asi ndokuzobatwa kuti ane chirwere cherurindi (TB).
Uriwe unoita sei . . .MUDIWA ACHINHUWA MUKANWA, BHUTSU?
KUNE zvimwe zvinhu zvinongorema kuzvitaura kumudiwa, munyarikani, kuhama kana kumumwewo munhu.
‘HAUNYARE, RUME GURU KUWETERA MUMAGUMBEZE’
MURUME anogara kuKuwadzana, muHarare, akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo akafumurwa nemudzimai wake kuti anoitira weti mumagumbeze.
Musanganiswa wenhetembo nemhanzi
NYANDURI ane mukurumbira Takudzwa Chikepe anoti ari kuvhenganisa mhanzi nenhetembo izvo zviri kubatsira zvikuru kuti dzidziso yake isvike kumazera evanhu akasiyana.
‘TSIGIRAI LOGA’
VATSIGIRI venhabvu vanoti hapana chinokonesa Zimbabwe kuenda kumakwikwi e2022 Qatar World Cup zvichitevera kugadzwa kwemurairidzi mutsva wechikwata chenyika chemaWarriors, Zdravko Logarusic.
Mufushwa wehowa une dovi
MUFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti hune mavitamin neiron izvo zvinobatsira kuti muviri ugare wakagwinya.
Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wehowa.
Zvinodiwa:
Chikari, mufushwa wehowa, mafuta, matomatisi, hanyanisi nedovi.
Mabikiro:
Geza howa hwakaomeswa.
Huise muchikari, wodira makomichi matatu emvura.
Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.
Bura wokuna kana kubvisa mvura yese irimo.
Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.
Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu.
Kurungira dovi zvikore wosiya zvichikwata.
Kana zvadai, chinyatsogara pasi nemhuri mozviruma zvenyu rurimi nekunakirwa.
Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281
‘HIV wakapihwa nani ini ndisina?’
MURUME anogara kuEpworth ari kudya magaka mambishi achida kuziva kuti sei mudzimai wake akavhenekwa akabatwa aine utachiona hweHIV asi iye asina?











