Mufushwa wehowa une dovi
MUFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti hune mavitamin neiron izvo zvinobatsira kuti muviri ugare wakagwinya.
Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wehowa.
Zvinodiwa:
Chikari, mufushwa wehowa, mafuta, matomatisi, hanyanisi nedovi.
Mabikiro:
Geza howa hwakaomeswa.
Huise muchikari, wodira makomichi matatu emvura.
Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.
Bura wokuna kana kubvisa mvura yese irimo.
Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.
Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu.
Kurungira dovi zvikore wosiya zvichikwata.
Kana zvadai, chinyatsogara pasi nemhuri mozviruma zvenyu rurimi nekunakirwa.
Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281
‘HIV wakapihwa nani ini ndisina?’
MURUME anogara kuEpworth ari kudya magaka mambishi achida kuziva kuti sei mudzimai wake akavhenekwa akabatwa aine utachiona hweHIV asi iye asina?
‘Eheka, ndinorova murume wangu’
MUKADZI anogara mumusha weSakubva, maMutare, anoti akarikita murume wake pamwechete nekumuruma-ruma pamberi paambuya vake avo vakange vauya kuzovayananisa mushure mekunetsana mukugarisana kwavo.
‘Ndamirira Ambunda’
SHASHA yetsiva Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti zvishuvo zvemwoyo zvake zvave kuzadzikiswa apo achasangana nemutambi wekuNamibia, Paulus “The Rock” Ambunda, pazuva rekupemberera Zimbabwe kuwana kuzvitonga kuzere.
‘Musatambise mukana’
VAKOMANA vechidiki vari kusimukira mumusambo weSungura vari zvizvarwa zvekuChipinge vakabura dambarefu ravo rekutanga rinnonzi Nguva Nemukana iro vanokurudzira veruzhinji kuti vabatisise mikana yakanaka yavanowana muhupenyu yakadai seyemabasa nekuve neutano hwakanaka.
Mbeu yeOrange Maize yakaburwa
KAMBANI yakazvimirira inouchika mbeu dzakasiyana yokurudzira varimi kurima chibage chemhando yeOrange Maize icho chinonzi chinotirira muzuva, hachinetsi kuibva uyewo chakanakira zvose pakudyiwa nevanhu nekupa zvipfuyo.
‘Chako kuzvara vana’
MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa pfumvu ne”small-house” yemurume wake iyo inomufonera siku nesikati ichimutuka nezvinyadzi uye nekumuudza kuti basa rake nderekuzvara vana nekuwacha iyo ichisanana nemurume.
Mayunivhesiti orerutsa mutoro wemafizi
MAYUNIVHESITI ari pasi peHurumende anoti ane hurongwa hwekuti vadzidzi vanogona kubhadhara mari dzemafizi pashoma nepashoma kana kukwereteswa mari iyi zvakare.
Zvingaitwa kusimudzira kurimwa kwefodya
Varimisi vefodya vemakondirakiti vakatsigira chirongwa ichi ne$70 miriyoni
Vanotambura VODZIDZA PACHENA
KANZURA weWard 5 yekuSt Mary’s, kuChitungwiza, Councillor Catherine Arumando — avo vanomiririra bato riri kutonga reZanu-PF — vari kuita mabasa makukutu ekubatsira vana vanotambura kuburikidza nekuvawanisa dzidzo yepachena.











