Chamangwiza weEthical Holdings

VADAVID Machingaidze murume aona matambudziko anosanganikwa nawo nevarimi vadiki kwemakore anodarika makumi maviri uye rusarurwa runoitwa kuvarimi nekusabatwa zvakanaka kwavanoitwa kumisika yakasiyana-siyana.

‘Zvikoro zvoda magetsi ezuva’

MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvekumaruwa nemadhorobha zvive nemagetsi anobva muzuva (solar) zvichitevera dambudziko rekuenda kuri kuita magetsi.

Dzimwe shangwiti

DAVID inyanzvi yezvekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki uye anofarira kuona kukurudzirwa kwevarimi vadiki vefodya.

Mhinduro dzaidiwa

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yezvirungamutauro zvetsumo nemadimikira zvainge zvakavhenganiswa apo waisungirwa kuzvipatsanura. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo.

Ndinobira shoroma chete — pfambi

MUSIKANA anoita basa rekutengesa muviri wake parimwe bhawa riri maMutare akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi mushure mekunge aba mazakwatira emari yeimwe shoroma yaakanga atenderana nayo kuti vapedze husiku hwose vachisasana.

‘Ndini ndakaba makerotsi’

MURUME wekwaMutare akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuba migomo mina yemakerotsi pane rimwe purazi reko.

Huchapa hwechembere hwakabva kumahumbwe

MUMWE akati kwandiri kana uchida kuona hunhu hwevabereki vevana vari munharaunda, enda unoona panotambwa mahumbwe nepwere dzavo. Mararamiro epwere mudzimba anobuda vana pavanenge vachitamba vachiti ini ndini baba, ini ndini amai, ini ndini mwana.

Zvinoita kuti munhu anhuwe

DR Bernard Madzima, avo vanova director wechikamu cheFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti muviri wemunhu unhuwe kana kuita kahwema.

Kana zvamubata anopunza midziyo

MURUME wemumusha weSunridge, muHarare, anoti akandiswa mapfumo pasi nemudzimai wake uyo anogara achimurova akamubatira mapanga, kupwanya midziyo yemumba uye dzimwe nguva anobva pamba oenda kusina anoziva kwemwedzi mitatu.

Kurwisa Kwayedza: Nyaya yakora muto

KUTONGWA kwenyaya yekurohwa kwemutori wemufananidzo weKwayedza, Tertia Mukurumidze (24), apo aive pabasa kwaSeke kuri kuenderera mberi mudare reChitungwiza Magistrates Courts.

×