Akarasira nyoka pakati peguta

Kingstone Mapupu YAKAVE batai-batai panosangana migwagwa Nelson Mandela naSam Nujoma, pakati peguta reHarare masikati emusi weChina chadarika apo mumwe mutyairi wemotokari anonzi akadonhedzera nyoka pasi, iyo yakazonopinda muimwe motokari yainge…

Tapera neAIDS: Hwindi ◆‘Mafaro tinoawanza’ ◆‘Tinogara tiine cash’

Kingstone Mapupu VERUZHINJI vagara vachinyunyuta pamusoro pehunhu hwemahwindi avo vanotaura nekutuka zvinyadzi pajekerere, huchapa, kusveeredza vanhukadzi vanozvifambira nekatsika kekudhonza-dhonza vanhu vanozvifambira vachivambunyikidza pakukwira mabhazi nemakombi. Hwindi anongotorwa semunhu asina hunhu…

Nyamukoho: Panofa mambo hamucheme

Kingstone Mapupu HUMAMBO hwekwaNyamukoho, vemutupo weNzou Samanyanga — VaNgahwe vekuMudzi, kuMashonaland East — hunonzi hwakatanga makore ekuma1800. VanaNyamukoho vakagara humambo uhu mushure mekurwisana nevanhu vemutupo weTembo Makova Mana avo vaigara…

MAONERO EDU: Vanoviga hupfu ngavarangwe

ZIMBABWE pari zvino yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwehupfu hwechibage muzvitoro uho hunodiwa neveruzhinji sezvo sadza riri iro kudya kukuru munyika. Hupfu hwakakosha zvikuru nekuti sadza ndiko kudya kwevakawanda. Kana mumba mukashaikwa…

Zvangu zvabhadhara: Muripo

Abel Ndooka NYANZVI yemutambo wekarate, Shihan Samson Muripo, anoti kushanda nesimba uye kuzvipira mubasa rake ndiko kwakamuona achikwanisa kuhwina menduru dzakawanda pasi rese. Mumakore 10 adarika, kubva 2009 kusvika 2019,…

Zvikoro zvitsva zva2020

Tanyaradzwa Rusike HURUMENDE iri kutarisira kuvakisa zvimwe zvikoro 10 papurovhinzi yega gore rino nechinangwa chekuderedza kushomeka kwazvo sezvo kuri kudiwa zvimwe 3 000 zvepuraimari nesekondari munyika yose kuitira kuti zvikwanirane…

Vakavaka chikoro nemari yedoro

Conrad Mupesa CHIKORO chesekondari chakavakwa nemari yelevy yakabva pakutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko ekanzuru yeChinhoyi chakatanga kutora vadzidzi veFomu 1 neFomu 2 pakavhurwa temu ino. Mamwe magwaro eFomu 3 neFomu 4…

Detembo rekwaNyamukoho

Tenzi Wangu Vari Chiware, Vari Mambiru, Vari Nyamherere, Vari Nyakonda, Vari Mapiti, Vari Nyagoko, Kawunyugoda, Bambo waKoswa, Vari Chiongotere, Vari Chisambi.

Vorwira hanyanisi

Courtney Munodawafa MUDZIMAI anogara mumusha weMufakose, muHarare, anoti akarimirana kumuganhu nehanzvadzi yake iyo yaave nemwedzi mitanhatu vasingataure vose zvisinei nekuti vanogara pamba pamwechete, daka ravo richibva pakupopotedzana pamusoro pehanyanisi dzemashallots.…

‘Musatitarisire pasi’

Abel Ndooka SHASHA yemujaho wewiricheya nebasketball yechidzimai, Margret Bangajena, anoti vanhukadzi vari mune zvemitambo vanodawo kuyemurwa apo vanenge vasimudza mureza wenyika kunze kwavanenge vaenda kunokwikwidza. Bangajena anoti shuviro yemunhukadzi wese…

×