Gringo ave kuruzevha…’Regai ndimbofurwa nemhepo’
Abel Ndooka SHASHA yemadhirama anosetsa, Lazarus “Gringo” Boora – uyo akamborwara zvekupinda muchipatara nguva yadarika – anoti asimba uye pari zvino akamboenda kumusha kuNyazura kumbonosakura kumunda wake. MunaGumiguru gore rapera,…
Mari yechikoro haisi kuzokwira – Hurumende
HURUMENDE iri kuyambira vezvikoro zvakazvimiririra kuti havatenderwe kubhadharisa nemari dzekunze uye vachabatwa vachiita izvi vachatorerwa marezinesi anovatendera kushanda.
Akavigwa 1963, guva ndokufukunurwa 2020
Muchaneta Chimuka MWEYA wemurume akafa 1963 — mutumbi wake ndokuvigwa kumarinda eHighfield Cemetry, muHarare — unonzi wanga usina kugadzikana kwemakore 57 uri muvhu uchinzi unoti, ‘Ndakavigwa musango’’ kusvika vehukama vazofukunura…
‘Kana ndimiwo . . .’‘Madzibaba kupa Mudzimai wangu Mubhedha Here?’
Courtney Munodawafa KUNE murume ari kuchema-chema achiti anoda kuti mumwe madzibaba — uyo akamumhan’arira kudare achiti anomushungurudza — asiyane nemudzimai wake sezvo achiti akamupa mubhedha wekurarira. Peter Mahachi akataura mashoko…
Majekiseni a ‘prophet’ Auraya vakadzi vaviri
Chipo Katsidzira VAKADZI vaviri vekwaNyashanu, kuBuhera vakafa nguva diki-diki vangobva kubaiwa majekiseni 32 emushonga kana kuti muteuro une uturu nemumwe muporofita anonzi ainge abva kuKadoma. Mushure mekuita izvi svondo rapera,…
Mbavha dzooneswa moto
Kingstone Mapupu CHIKWATA chematikitivha eCriminal Investigation Department (CID) chekuNorton chakasunga varume vashanu vanofungirwa kuti imbavha dzinoba waya dzemagetsi. Izvi zvakaitika papurazi reDrumond. Vakasungwa ndiCharles Joseph Phiri (42), Admire Petros (39),…
Guva rakafukunurwa ka2
Kingstone Mapupu MHURI yepapurazi reEdsley kana kuti Hampton, riri pakati peEpworth neGoromonzi, nguva yadarika yakava nekushamiswa kukuru apo guva remwana mucheche rakafukunurwa, mutumbi wainge wavigwamo ndokuwanikwa wakaiswa parutivi pegomba uye…
Vodzidza pachena…BEAM yobhadharira vana 1 miriyoni mari dzechikoro
Kuda Bwititi ZVIZVARWA zvemuZimbabwe izvo zvinoshaya zvichawaniswa rubatsiro rwakawedzerwa mugore ra2020 urwo ruchaona vana vanosvika 1 miriyoni vachidzidza pachena pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM), kozoti chikafu chepachena, kurapwa…
‘Ongororwai chirwere cherurindi paine nguva’
Daphne Machiri VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vasarere zvirwere zvinotapuriranwa secherurindi kana kuti TB vari mudzimba sezvo zvakakosha kuongororwa nguva ichiripo kuitira kuti zvive nyore kurapwa. Kurudziro iyi yakaitwa naDr Charles…
‘Huchi hune mari’
Malven Mugadzikwa MURIMI anove shasha pakupfuya nyuchi wekuMazowe, kudunhu reMashonaland Central anoti kuchengeta nyuchi ibhizimusi riri nyore uye rinopa pundutso muhupenyu. VaAnderson Chibatauta vanoti veruzhinji vanozeza kuchengeta nyuchi dzekuti vamore…











