Zvikoro 42 zvakapihwa mabhuku
Takunda Maodza KANZURU yeBritish Council Zimbabwe yakapa mabhuku ekuverenga kuzvikoro 42 zvekuChimanimani ndokukurudzira mamwe masangano epasi rose kuti abatsire zvikoro zviri mudunhu iri izvo zvakasangana nedambudziko remafashamu emvura yaive nedutumupengo,…
‘Odiridza’ gadheni remuriwo neweti
Hazel Marimbiza MURUME anogara kuMpopoma Flats, muguta reBulawayo, anoti ari kuoneswa moto nemuvakidzani wake uyo ane katsika kekuitira weti mugadheni rake rine muriwo izvo zvave kuita kuti atambure chekudyisa sadza.…
‘. . . itai zvinoenderana nemi’
Daphne Machiri VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vaendese vana vavo kuzvikoro zvinoenderana nehomwe dzavo. Izvi zvinotevera kuchema-chema kuri kuita vamwe vabereki nevanhuwo zvavo pamusoro pekukwidzwa kwakanyanya kuri kuitwa mari dzemafizi nezvimwe…
ANOBHUKIRA NYOKA MUHOTERA
MUKADZI wechidiki wekwaRusape akasungwa nemapurisa emuguta reMutare apo akawanikwa akazvibhukira “room” paimwe hotera yeko umo anga achigara nenyoka rerudzi rweshato yakareba mamita 6. Mukadzi uyu anotsanangura zvaanoshandisa nyoka iyi mubasa…
‘Murume ndinomudawo’
Courtney Munodawafa MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.…
Gumbo ramutambudza
Kingstone Mapupu MURUME wechidiki wekuChipinge uyo anova nherera, anoti akazvarwa aine nyama yakarembera pagumbo rake iyo yakurisa zvekuti haachakwanisa kufamba zvakanaka kana kuita mamwe mabasa. Nathan Chirongwana wemubhuku raMagodo, kwaMambo…
Sabhuku akapisirwa musha
Samantha Zengeni SABHUKU wekuChipinge akasara asisina pekugara zvichitevera kupiswa kwakaitwa dzimba dzake mbiri nemumwe mugari wemumusha make uyo ari kugunun’una achiti mukuru uyu anomutyisidzira achiti anoda kumuroya uye kumudzinga pamusha…
800 000 vozviuraya
Muchaneta Chimuka VANHU vanodarika 800 000 munyika dzichiri kusimukira vanonzi vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwekurwara nepfungwa apo vanozviuraya nenzira dzakaita sekuzvisungirira, kutora muchetura kana kuzvipfura nepfuti. Mashoko aya akataurwa naDr…
Nhoroondo yaMambo Chihota
Kingstone Mapupu MADZIMAMBO vane basa guru ravanobata mukurarama kwevanhu muZimbabwe. Ndivo vanonzi vene kana kuti vachengetedzi vetsika nemagariro, uye vachishanda nemasadunhu nemasabhuku avo, vanoona kuti tsika idzi dzachengetedzwa — nemazvo.…
‘Idumbu renyama yehuku’
Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekwaMusami, kwaMurehwa — uyo ari kurarama nedumbu rakazvimba zvekunge richaputika —anoti izvi zvakaitika mushure mekunge abikirwa nyama yehuku neimwe hama yake yepedyo, iye ndokuidya. Mai Maria Chitsamba…










