‘. . . itai zvinoenderana nemi’

Daphne Machiri

VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vaendese vana vavo kuzvikoro zvinoenderana nehomwe dzavo.

Izvi zvinotevera kuchema-chema kuri kuita vamwe vabereki nevanhuwo zvavo pamusoro pekukwidzwa kwakanyanya kuri kuitwa mari dzemafizi nezvimwe zvikoro.
Kurudziro iyi yakaitwa nemusi weChipiri chino naVaEdward Shumba avo vanova mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland.

Vabereki vakawanda vari kunetseka kuti vawane nzvimbo dzevana vavo muzvikoro izvo zvimwe zvacho zviri kuda mari yakawandisa kuti mwana awane nzvimbo.

Zvimwe zvikoro zvemabhondingi zviri kuda mari dziri pakati pe$10 000 kusvika $12 500 patemu imwechete inova nyaya yaomera vabereki.

“Vabereki endesai vana kuzvikoro zvinoenderana nehomwe dzenyu nekuda kwekuti mari dzechikoro, hongu dzinokwira, asi chikuru mwana ngaaendeswe pachikoro chinoendererana nehomwe yemubereki.

Tinodaro kuti vana vasazosangane nematambudziko akaita sekusarira muzvidzidzo kana kukanganisika nekuzochinjwa chikoro nguva isina kutsarukana sepakati petemu zvinova zvinodzorera dzidzo yemwana kumashure,” vanodaro VaShumba.

VaShumba vanoti mudunhu ravo reManicaland vari mushishi kumhanyidzana nenyaya yekuti vabereki vane zvikwereti zvemari dza2019 vabhadhare mari iyi.

“Muzvikoro hongu, vamwe vanounza hurongwa hwemafizi etemu inotevera (proposals) asi isu sedunhu reManicaland tiri mushishi rekushanda kuti vabereki vane zvikwereti vabhadhare tisati tasvika gore rinouya.

Hatisati tave nezvakanyorwa pasi maererano nekuti fizi dza2020 dzinenge dzakamira sei muzvikoro,” vanodaro VaShumba.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *