Kuchanaya mvura ine dutu: MET
MVURA inotarisirwa kunaya yakawanda zvikuru munyika yose kubvira neChitatu chino kusvika neChishanu. Matunhu anosanganisira Masvingo, Midlands, Mashonaland East neManicaland ari kutarisirwa kunaya mvura inodzika pasi zvekudarika 50mm mukati memaawa 24.…
Madzibaba Edward vashaya
Kingstone Mapupu MUMWE wemaporofita mashanu anova makuru muchechi yeJohane Masowe weChishanu pasi rose, Madzibaba Edward Manyara, avo vainamatira mumusha weWarren Park, muguta reHarare, vakashaika mutsaona yemotokari nemusi weMuvhuro svondo rino.…
80 vakasungirwa ma’kaylite’
Muchaneta Chimuka SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), rinoti nguva pfupi ichangodarika rakasunga vanhu vanodarika 80 muguta reHarare nemhosva yekushandisa ma”kaylite” ayo akarambidzwa kushandiswa nekuda kwekuti anonzi anokonzera…
HATIDYE MABHONZO: MUROYI
Kingstone Mapupu MUDZIMAI wechidiki anogara kwaMurehwa ari kudura kuti muroyi wemakoko uye kuti kana vachidya munhu, vanosarudza munyepfu bedzi vachisiya mabhonzo. Mudzimai ane makore 22 ekuzvarwa uyu anorondedzera zvavanoita nechikwata…
Vanotambira $2 000 havachabvisa mutero
Tandayi Motsi GURUKOTA rezvemari Professor Mthuli Ncube nemusi weChina chino vakatura hurongwa hwemari yebhajeti regore rinouya izvo zvakaona mari yemutero (tax) isingabatirwe vashandi pamuhoro wavo ichiwedzerwa kubva pa$700 kusvika $2…
Orohwa nemurume ‘home & away’
Courtney Munodawafa MUMWE mudzimai anoti agurwa kunorira nemurume wake uyo ari kumushungurudza nekumurova zvisinei nekuti ndiye ari kumuchengeta zvose nevana vavo. Melody Sanyika akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court…
Tendai ‘Beast’ Mtawarira ava ambassador
Abel Ndooka KAMBANI huru pakugadzira michina inoshandiswa mukugadzurudza nharaunda, yeHusqvarna, yekuSweden yakagadza shasha yemutambo werugby Tendai “Beast” Mtawarira kuve mumiririri wayo (ambassador) wekutanga kubva muAfrica. Mtawarira chizvarwa chemuZimbabwe asi aita…
‘MHAMHA NDINOKUDAI’ …Mwanakomana ochiva amai
MUDZIMAI anogara mumusha weNketa 9, kuBulawayo, anoti mwanakomana wake wekubereka ari kumunetsa achimukumbira kuti vadanane, voita bonde vose “nekuti mhamha muri yellow bone” kana kuti tsvarakadenga.
‘EHEKA NDINACHO CHIKOMBA, SAKA?’…‘Ndakaita boyfriend neshungu’
MUDZIMAI anogara kwaChiroodza, kuDomboshava, akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati murume wake haasi kumupa rudo rwunomugutsa izvo zvakaita kuti apedzisire atsvaga chikomba.
Kuenda kuchimbuzi kwava kudhura
MAZUVA ano mitengo yezvinhu zvakasiyana iri kugara ichingokwira zvisina tsarukano izvo zviri kusiya vatengi vari panguva yakaoma zvikuru uye chimwe chezvinhu zvakwira mutengo zvakanyanya mapepa ematishu ayo mune zvimwe zvitoro ava kutengeswa $350 ari 18.











