Zvinoreva Dhuterere
MUIMBI wemusambo wechitendero ari kupisa parizvino, Darlington “Mambo Dhuterere” Mutseta, anoti vatsigiri vemhanzi vanonzwa achishevedzwa kunzi Dhuterere asi vasingazive kuti zita remadunhurirwa iri akaripihwa nevanhu vaimunzwa achiimba uye rinoreva kuti ndimi dzisina tsanangudzo.
Macauley Bonne: Vatsigiri votaura‘. . . SHAMWARI WATIURAYA’
VATSIGIRI venhabvu vemaWarriors vanoti vange vakatarisira zvikuru kuti Macauley Bonne uyo anotambira Charlton Athletic kuEngland achauya kuzotamba svondo rino apo chikwata chenyika ichi chiri kusangana neBotswana uye neZambia mumitambo yemuboka reGroup H yekutanga kurwira kuenda kumakwishu e2021 Cameroon Africa Cup of Nations.
Akaponda baba vake anonokerwa nesadza
MURUME wekwaRusape — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — anonzi akaponda baba vake nekuvarova netsvimbo mumusoro mushure mekunge vanonoka kumupa chikafu apo nguva yake yekuti anwe mapiritsi yainge yakwana.
‘Tinoda kuti STEM isimudzire nyika’
ZVIDZIDZO zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) zvinofanira kubura nyanzvi dzinogadzirisa matambudziko ari kusangana nenyika kunyanya dzekusimudzira upfumi.
Zunde raMambo kuMash East
KWAIVE kumakuwerere ekupemberera nekupakurirwa ruzivo paTraditional Leaders’ Day inodaidzwa kuti Zunde raMambo yekudunhu reMashonaland East nemusi wa11 Gumiguru 2019 pa2 Brigade Headquarters, Harare.
‘Muvheti’ onanga mushandi huroyi…‘Your wife has zvishiri’
MUZVINABHIZIMISI wechichena wekwaMakope, kuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central, achangobva kuripiswa mombe nedare ramambo weko mushure mekubatwa nemhosva yekupumha mushandi wake — uyo waakazodzinga basa — huroyi achiti ane zvishiri.
‘WAKANDINOKORA TSOKA’
MUKADZI anogara kurukisheni rweGarikai, kwaMutare, ari kupumha muvakidzani wake huroyi mushure mekumubatikidza kwaanoti akaita achinokora tsoka yake paivhu raainge atsika.
‘Rimai mbesa dzinopa mari nekukasika’
NYANZVI munyaya dzekurima Dr John Basera vanoti varimi vanofanirwa kurima zvirimwa zvinovapa mari nekuchimbidza zvinosanganisira soya bhinzi, mhunga, miriwo, matomatisi, makabhichi nemacarrots kwete kungomirira kurima chibage chete.
Aya mamhepo, kuchiva amai?
SVONDO rino tine nyaya inoshamisa pamwe nekukahadzisa zvikuru — nyaya yemumwe mwanakomana ane makore 21 okuberekwa anogara kuNketa 9, kuBulawayo — uyo anonzi akamhan’arirwa kudare redzimhosva naamai vake vekumutumbura mushure…
Ogara nemuswe webere, ‘list’ yevanofanirwa kufa nevakafa
IMWE mhuri yekuNyanga inoti yaoneswa ndondo nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo izvo zvinonzi zvauraya vanhu vemhuri iyi 10 ndokusiya vamwe vapata misha.









