Ndichiripo: First Farai

Abel Ndooka MUIMBI weSungura Aliya Mwanambo — uyo vazhinji vanoziva saFirst Farai — anoti achirimo munyaya dzemhanzi uye dzimwe nguva anombonohodha zvinhu zvakasiyana kunze kwenyika achibatsirana nemudzimai wake mubhizimisi rekutengesa…

Musikana asiri chidhuura chidhori chefeki

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA naIgnatius Mabasa MWANASIKANA wangu, ndanzwa vachikuti uri imbwa. Ndarwadziwa nekutukwa kwako, nekuti kutukwa kwako kutukwa kwangu. Kunzi uri imbwa zvinoreva kuti pane vari kunyaudzwa nekuhukura kwako. Mwanasikana…

Seed Co yotsigira varimi vefodya

Clemence Mucharedzeyi AIVA makuwerere kuNyamasinga Ward 8, kwaMakoni nemusi wa6 Mbudzi apo paiva nevarimi vechidiki vaipedza chikoro chekurima kunyanya fodya nezvimwe zvirimwa. Seed Co yaivepo pachiitiko ichi ichibatsira, kupemberera nekukorokotedza…

Mudzimai nevana Hutu nemushandi…‘Atova mukadzi wangu uyo ’ …‘Kana vana futi ndevangu’

Courtney Munodawafa MURUME anogara muHarare anoti akatorerwa mudzimai waange agara naye kwemakore 11 nemushandi wake uye vana vaviri vaaifunga kuti ndevake ndeve musevenzi uyu. Clive Parutagasa atakaura mashoko aya mudare…

Musarove vana vechikoro: Mathema

Muchaneta Chimuka GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti muzvikoro hamudiwe nyaya dzemhirizhonga uye kurova mwana imhosva huru. “Nyaya dzekurohwa kwevana muzvikoro dzakarambidzwa nemutemo zvikatopasiswa, saka hationi chikonzero chekuti…

Akabvutira mupurisa mboma . Iyi imhosva – ZRP . ‘Tiri kumutsvaga’

Abel Ndooka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga nemeso matsvuku mumwe murume uyo akarwisa mupurisa aive ari muyuniformu pakati peguta reHarare apo akamubvutira mboma yake yebasa, ndokumutandanisa achida…

Oroverwa ‘kudanana’ nababa nabhudhi

Courtney Munodawafa MUDZIMAI wekuti ari kushungurudzwa kwemakore mana nemurume wake achimuti anodanana nehanzvadzi yake pamwe chete nababa vake akazopotera kudare redzimhosva. Christina Chitsiku akaendesa Norman Mubaiwa kuHarare Civil Court achiti…

‘Ndiwe wakandizadza HIV’

Nyasha Bvudzijena MURUME samusha akazochema-chema mudare redzimhosva achiti akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo asina kumubudira pachena pavakaroorana kuti ari kurarama neutachiona hweHIV zvikazoita kuti amutapurire hosha iyi. Kufakunesu Kembo akamhan’arira…

NYAMA YEMWANA INODARIKA CHICKEN: MUROYI

Kingstone Mapupu “NYAMA yemunhu, ‘chicken’ kana ‘beef’ inosara pasi. Yakapfava zvekupfava zviya – kunyanya kana iri yekamwana. “Uyewo, mutemo wedu unoti pakuidya hatifanirwe kudya mabhonzo, asi munyepfu bedzi.” Aya ndiwo…

Mwedzi waMbudzi, chivanhu nechiKristu

Kingstone Mapupu MWEDZI waMbudzi kubva pasichigare unonzi une zviyerwa zvakawanda uye unotorwa senguva yekuzorora kuita chivanhu sezvo pasina chikaranga chinoitwa kudzimarara wadarika. Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nemamwe madzishe nenyanzvi…

×