Kana ‘small house’ isisade . . .‘Baba imi dzokerai Kumukadzi wenyu’
MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kugara akabatira hana yake mumawoko achitya murume wemunhu uyo waari kugara naye seshamwarirume yake sezvo achiti akamboda kumupisira mumba achishandisa chitofu chegasi.
Tsigirai vechidiki: VP Mohadi
MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika Vice President Kembo Mohadi vanokurudzira vemakambani nemamwe masangano kuti vatsigire vechidiki munyaya dzedzidzo senzira yekusimudzira upfumi hwenyika.
MAONERO EDU: Baisai imbwa majekiseni
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru – nyaya iri pamusoro pevanhu vanosvika 32 avo vanonzi vakafa munyika muno nekuda kwechirwere chechimbwamupengo mushure mekunge varumwa nembwa dzisina kubaiwa mejekiseni ekudzivirira denda iri.
‘GEMS TAVE KUMBERI’
SHASHA yemutambo wenetball inotambira chikwata cheZimbabwe chemaGems — Adelaide Thandeka Muskwe — uyo aive kuLiverpool uko aimirira nyika kumakwishu eVitality Netball World Cup, anoti ave kumberi kwehanzvadzi yake, Admiral, uyo anotambira nhabvu maWarriors.
Mukuru wechechi otongwa nechibharo
MADZIBABA weimwe chechi yekuChitungwiza akakandwa mujeri nemhosva yekuda kubata chibharo musikana ane makore 18 okuberekwa uyo anopinda kereke yake uyo waakapfimba asi ndokurambwa.
‘Haugone kuchengeta mhuri’
MUDZIMAI anogara kuHopley, muHarare, akaendesa murume wake kudare redzimhosva achida $1 500 yekuriritira vana vavo vatatu.
Kubata-bata mukadzi pabasa kwamuparira
MURUME wekwaSeke —wekubata-bata magadziko emukadzi waanoshanda naye achimutyisidzira kuti aizoparadza wanano yake — akazoigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaita kuti abvise faindi ye$200 nedare reChitungwiza Magistrate’s Courts.
Vana vakaremara vovakirwa chikoro
SANGANO rinomiririra kodzero dzevabereki vane vana vakaremara mitezo, reZimbabwe Parent of Handicapped Children Association (ZPHCA) – nguva pfupi yadarika rakaparura nzvimbo ichavakirwa chikoro chevana vakadai kuUnit K, kuChitungwiza, nedonzvo rekusimudzira dzidzo yavo.
Zvimwe zviratidzo zveHIV mumukanwa
BAZI rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinozivisa kuti kune humwe utachiona hunounza maronda emumukanwa uhwo hunodyidzana neHIV.
NGOZI NEKUNAMATA . . . ‘Kuigona kuiripa – chete-chete’ . . . ‘Kutizira kuchechi hakubatsire’
KUNE nyaya dzakawanda dzengozi dzagara dzichibuda muZimbabwe —dzimwe mhuri dzichinzi dzinotambudzwa nemweya yevanhu vakafa avo vanenge voda kuripwa.











