Mukuwasha akarohwa natezvara
MUKAWASHA wekuenda kumba kwevabereki vemudzimai wake achida kunomupa gupuro akazobviswa chiri kumeso apo akarikitwa natezvara vake pamwe nekupwanyirwa mota yake.
AKAWANIKWA AINE HAKA PAMBA
MATIKITIVA eCriminal Investigation Department (CID) anoti akasunga mumwe murume wekwaMambo Sitaudze, kuBeitbridge, mushure mekuwanikwa aine haka pamba pake.
‘Iwewe wakambondirambira chii?’
MUKADZI wemuHarare akadunura mudare achiti ari kuoneswa nhamo nekugara achirohwa nekutukirirwa kumba nekubasa neaimbove shamwarirume yake achimuti akamurambire chii.
Chimbwamupengo Chabata harare, bulawayo . . . Vanhu 32 vafa, 44 300 vakarumwa
VANHU 32 vafa nekuda kwechirwere chechimbwamupengo, vamwe 44 321 ndokurumwa nembwa kubva gore rapera kusvika pari zvino.
Huyai, tinokugashirai: President
PRESIDENT Mnangagwa vanokurudzira vezvemabhizimisi vekunyika yeChina kuti vatore mikana iripo yekuita mabhizimisi muZimbabwe muchikamu chezvekushanya, – zvikuru kudunhu reMashonaland West neMatabeleland North.
Anodya huku mbishi
MURUME n’anga anogara kuEpworth ane katsika kekuti kana achishandira vanhu, anouraya huku achiita zvekuiruma, okwekweta kunwa ropa racho rose richidziya, zvose nemakushe acho – imwe nyama ozonosiya kumakuva.
Ochekwa-chekwa Muviri wake wose
MUDZIMAI anogara kuDatvest, mumusha weChikanga, kwaMutare, ari kushungurudzwa zvisina akamboona — muviri wake wose wangova mavanga nemaronda manyoro ekuchekwa-chekwa nezvinhu zvaasingaone.
Muroyi pu mu‘town’
VAGARI vekuLillifordia, pedyo neDzivaresekwa Extension, muHarare, nguva pfupi yadarika vakamuka vachiita mahwekwe nemashura emunhurume ainge akachenuka kunge akazorwa madota, uyo aingomberereka ari musvo achiti ainge adonhedzwa murusero achibhururuka nevamwe vake apo vairwira nyama yevanhu.
Doro rekukumbira rovaparira
MUZVINHABHIZIMISI wekuHighfield, muHarare, akaendesa vakomana vaviri kudare redzimhosva achiti vanoshungurudza makasitoma ake pose pavanopinda mubhawa rake vachiti vanoda kutengerwa doro.
Tipeiwo mapiritsi e‘family planning’: Vana
“ISU tiri kuda kuti tinge tichiwaniswa mishonga yekurera mhuri — kusanganisira makondomu — muzvipatara nemumakiriniki pasina kubvunzwa mibvunzo gumi nefararira.










