Zvikamu zviri murondedzero

PATASVIKA tava kuziva zvinodiwa nemhando dzerondedzero, asi zvakakosha kuti tiite dzokorodzo pamusoro pemamiriro akaita rondedzero.

Orarisa mukadzi nemwana panze

Tatenda Shuro VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati murume wake anotora chikafu chavanofanirwa kudya nemhuri mumba, zvose nemidziyo yavo achinozvitengesa, mari yacho odudunya kudoro. Regina Nyanhango akamhan’arira Fungai…

‘Chikomba chaamai ndicho problem’

Milcah Nhakura NYAYA yekurwira pfuma yenhaka pakati pevana vemhuri imwe yakazosvika kumatare edzimhosva apo mumwe wavo uyo anova dangwe ari kupomerwa kurova amai vake nevamwe vana – kusanganisira anorwara nepfungwa…

‘Ndoda kukuyamwa’

MUDZIMAI wekuEntumbane, kuBulawayo, anoti ari kugara akabatira hana yake mumaoko zvichitevera mashoko anogarotaurwa nemurume wake ekuti anoda kumukweva ropa rake achibatsirana neshamwari dzake mbiri kusvikira afa.

Vogezeswa Nen’anga Vari musvo…Baba, madzimai avo, vanasikana nevanakomana

IMBOFUNGA izvi. Mhuri yose — baba, amai, vanasikana nevanakomana vabva zera — mose monzi nen’anga munofanirwa kushandirwa nemishonga kuti zvinhu zvenyu zviendeke, asi mose munenge musina kupfeka kana chii zvacho. Apa muri pamwe chete.

AKAZVARA NGURUVE…. . . apopotedzana nemuvakidzani

MUDZIMAI wekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi akazvara kasvava kakaita senguruve mushure mekunge anetsana nemuvakidzani wake pamusoro penguruve dzake idzo dzaigara dzichimberereka nekuparadza mbesa mubindu rake.

Gogo vakafira huku ye$15

MURUME wekuMberengwa, kudunhu reMidlands, ari kunzi akajajada nedemo ambuya vake chembere, ndokubva vafa apo aivapomera kuti vakange vatengesa jongwe rehuku nemari yakaderera pane yaaida.

‘Tsigirai zvipo zvevana venyu’

MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weJiti — Elphigio Terence Hwata (23) — akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Yorira Ngoma uye anoti vabereki vanofanira kutsigira zvipo zvevana vavo kwete kuzvitarisira pasi.

Vopihwa mabhuku ezveutano

SANGANO reRotary Club of Harare rinoti rakazvipira kusimudzira zvidzidzo zvamachiremba nanamukoti munyika muno izvo zvakaona richipa mabhuku ekuverenga ezveutano kuvadzidzi vepazvipatara zviri kumativi ose enyika nguva pfupi yadarika.

Kugadzira munda nemazvo

TINOENDERERA mberi nekukupakurirai ruzivo rwuri maererano nekurima nekugadzira munda zvemandorokwati nechinangwa chekuti kurima kuve nepundutso.

×