Delta yonunura zvikoro kuChimanimani
KAMBANI yeDelta Corporation yakapa zvigaro 1 000 nemadhesiki 540 zvinokosha $400 000 — kuburikidza nesangano reZimbabwe Red Cross Society (ZRCS) — zvekubatsira zvikoro gumi zviri kuChimanimani nekuChipinge izvo zvakawirwa netsaona yemafashamu emvura yaive nedutumupengo, eCyclone Idai.
‘Chipfambi chandiparira’
MUKADZI aimboita basa rekutengesa muviri wake muguta reHarare ava kuzvidemba zvichitevera kupinzwa kwaanoti akaitwa mumabasa ehumbavha nevamwe varume vaviri avo vainge vamukecha zvikaita kuti abatwe nemhosva yekuba motokari iyo ava kupikira mujeri reChikurubi Female Prison, muHarare.
Zifa rongekai: zikeeper
MUTAMBI wemaWarriors — Edmore ‘Zikeeper’ Sibanda — anoti sangano rinotungamirira nhabvu remuno reZimbabwe Football Association (Zifa) harina kurongeka zvachose zvichitevera kusazadzikisa kwarakaita zvarakange ravimbisa vatambi vechikwata chenyika ichi apo vakaenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations kuEgypt nguva yadarika.
Mvura yemumadhamu yoderera
HUWANDU hwemvura iri mumadhamu ari munyika yose huri kuderera zvichitevera kusayerera kuri kuita mvura yemunzizi pamwe nekunyanya kushandiswa kwayo mukudiridzira zvirimwa zvemuchando, mashoko aya anobva kubazi reZimbabwe National Water Authority (Zinwa).
Mayunivhesiti hokoyo!…Musakwidze mari: Murwira
HURUMENDE iri kuyambira vemayunivhesiti kuti vasangokwidza mari zvisina tsarukano uye pasina mvumo.
Varimi vechibage vanoda kubhadharwa nenguva
VARIMI vanoti vanotambira nemufaro mutengo mutsva wechibage uyo wakaziviswa nedare reCabinet uye vari kukurudzira dura guru renyika reGrain Marketing Board kuti ringe richivabhadhara mari yavo nenguva kuitira kuti vakwanise kugadzirira kurima mwaka unotevera.
RCZ yoita ongororo
KANZURU yeResearch Council of Zimbabwe (RCZ) inoti iri kuita ongororo munyika yose yekuona huwandu hwemari, vashandi pamwe nezvimwe zvingadiwa mukuita mabasa ebudiriro nevanhu vari mumabhizimusi madiki neari pakati nepakati.
Murume nemukadzi vonetserana hembe
MURUME wemuHarare ari kuchema-chema achiti mukadzi wake ane hunhu hwekubvarura hembe neshangu dzake pasina chikonzero.
Kutengeswa kwefodya kwadzikira ne4 percent
KAMBANI yeTobbaco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yose iri munyika kusvika parizvino makgs 222, 6 miriyoni anokosha $432, 9 miriyoni — kunova kudzikira nechikamu che4 percent — kana zvichienzaniswa nemakgs 231,8 miriyoni akange atengeswa panguva imwechete mwaka wadarika achikosha $676,9 miriyoni.
Kusimudzirwa munyaya dzehupfumi kwevanotengesa miviri
VANHU vanoita mabasa ekutengesa miviri kuGweru vakawaniswa dzidziso maringe nenyaya dzekudzivirira utachiona hweHIV.











