Kusimudzirwa munyaya dzehupfumi kwevanotengesa miviri

VANHU vanoita mabasa ekutengesa miviri kuGweru vakawaniswa dzidziso maringe nenyaya dzekudzivirira utachiona hweHIV.

Oda rubatsiro rweUS$30k

MWANA ane makore 12 okuberekwa wekuHatcliffe, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rweUS$30 000 rwekuti anorapwa kunyika yeIndia chirwere chegomarara remumusoro iro rava nemakore anodarika gumi richimutambudza.

Kuuraya munhu kunge huku?

SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru iyo yakaitika kuMberengwa, kudunhu reMidlands. Iyi inyaya yemurume ane makore 42 okuberekwa uyo ari kunzi aponda ambuya vake vane makore 93 okuzvarwa achiita zvekuvatema-tema nedemo apo aivapomera mhosva yekuti vainge vatengesa jongwe ravo rehuku nemari yakaderera pane yaaitarisira iye.

Mwana anorova amai

MWANAKOMANA wekutyora mutongo waakatemerwa nedare wekuti achengetedze runyararo pakati pake naamai vake ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti anopika jeri kwemwedzi misere.

Rondedzero dzine hudzamu

MUCHIRONGWA chevhiki ra05 Chikunguru 2019 ndakavimbisa kuti ndaizodzoka ndichipedzisa bandiko rerondedzero. Nemhaka yekuti zvikoro zvizhinji zvichange zvonyora bvunzo dzakakosha zvikuru musvondo riri kutevera, ndati ndipedzise chirongwa ichi kuti kana tononyora bvunzo dzedu, tiwanikwe takazendamira pakanaka.

‘Ndakaba kuti ndiende kuChina’

MUSHANDI wepaHerentals Groups of Colleges, kuChitungwiza, akashamisa vanhu vaive mudare apo akabvuma mhosva yake yekuba maredhiyo matatu mubhazi, murori nemukombi zvepakoreji iyi achiti aida kuatengesa kuti awedzere mari yekuti atenge tikiti rendege rekuende kunyika yeChina.

Opihwa mendenenzi nemukadzi wemunhu

MURUME wekudhonzera aimbove mudzimai wake kudare achida kuti amubhadhare mari yemendenzi yekuriritira vana vavo vatatu akashaya zvekuita nemufaro mushure mekunge chikumbiro chake chatambirwa.

Wokundwa nembwa kuita zita rakanaka

KUPA chinhu zita kunochipa simba. Kana makombi nemabhazi anopihwa mazita. Ko iwe zita rako rinorevei? Izita rekuti kana ukashevedzwa pane gurumwandira revanhu unonzwa richipupumisa mwoyo wako here?

‘Handiende!’…Saimba orambira ku‘small-house’

MUDZIMAI anove shirikadzi wekuWarren Park, muHarare, anoti ari kudemba kudanana kwaakaita nemumwe murume uyo waari kupomera kuparadza upfumi hwaakashandira nemurume wake achiri mupenyu.

‘WANGU MUKADZI ARI DANGEROUS’‘. . . anondirova senyoka’

MURUME wekuMabelreign, muHarare, anoti ari kuoneswa pfumvu nemudzimai wake uyo waanoti anomurova zuva nezuva.

×