O-LEVEL ― RUKUVHUTE
SARUDZA nhetembo imwe chete iri muna Rukuvhute yawakayemura. Zvino chijekesa zvawakayemura zvacho pamwe nezvidavado zvakashandiswa mairi.
Mari yemuno: Mazotigonera
NEMUSI weMuvhuro svondo rino Hurumende yakatora danho guru rekuti mari yemuno bedzi ndiyo ishandiswe pakutenga nekutengeserana zvinhu uye nekuita zvimwe zvose zvinenge zvichida kushandisa mari.
Zivai zvinodiwa pamagwaro eWiri
KANA munhu achinge afa, anosiya zvinhu zvakasiyana zvakadai semidziyo yake, mari, motokari, masheya ekambani nezvikwereti, pakati pezvimwe zvinhu zvinozivikanwa nekuti Estate muchirungu.
‘Usandichengere, rega ndikechwe’
MUMWE mudzimai anoti ari kuoneswa ndondo neaimbova murume wake uyo waanoti anomuchengera zvakadarikidza sezvo asingade kuti apfimbwe nevamwe varume.
Afa haachakwanisa kuzvitora maSelfie
UCHIRI kurangarira here pawakatanga kuona rufu? Ini imbwa yangu yainzi Jet yakarumwa nenyoka ikafa. Jet ndaiida nekuti ndiyo yega chinhu chandaiti ndechangu.
Akavigwa Nembwa Mhenyu . . . Vakabata mapfumo . . . Uku vasina kupfeka
MUNYAYA inovhundutsa nekushamisa zvikuru, imwe mhuri yekuTsholotsho yakaita zvinogara zvakadaro nguva pfupi yadarika apo vakaviga hama yavo pamwechete nembwa mhenyu — muguva rimwechete — apo vamwe vemhuri iyi vainge vasina kunyatsopfeka uye vakapakata mapfumo vachiteketera kuti mufi amuke.
Akaba chingwa nemajarini acho
MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare reko nemhosva yekuba girosari raisanganisira rofu rechingwa nemajarini acho.
Maroja akarwira mukotopeya
MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, mamwe maroja ekuChitungwiza akarwira mashizha emuti wemukotopeya mumwe wavo akasara akuvara zvakaipisisa.
‘NDINOPA ANA PAPA MUSORO WEGORA’‘. . . kuti vaite minana nechaunga’
MUKADZI n’anga anobva kuChecheche, kuChipinge – asi pari zvino ari kugara kwaZiko, kwaSeke – anoti iye mumwe anoshandira vakuru vemachechi semaporofita, ana “Papa” kana kuti ma “prophet” vakawanda achivapa mishonga inosanganisira musoro weshiri inonzi gora, iyo inozokwezva chaunga chevanhu uye kuti vakwanise kuita minana nekutyiwa.
Akafenda aroverwa makuhwa
VAKADZI vatatu vekuChitungwiza – avo vakakutsirana kurova mumwe musikana uyo vaimbodzidza naye kusekondari vachimupomera nyaya dzemakuhwa – vakaigochera pautsi zvichitevera kubatwa kwavakaitwa nemhosva nedare reko.






